Doença
A doença é realidade humana que a Bíblia confronta com compaixão e poder. Jesus curou toda enfermidade e prometeu ouvir a oração da fé pelos enfermos.
Jesus, o curador
Jesus percorreu toda a Galileia curando toda enfermidade e doença entre o povo. Pelo seu nome, curas continuam acontecendo.
Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.
Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara. Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:
"Akatakura utera hwedu hwose
uye akatakura zvirwere zvedu zvose."
ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’
"Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’
"Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’
Anzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, "Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi."
Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere, akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara.
Promessas de cura
Eu sou o Senhor que te sara. As Escrituras prometem cura para o corpo e para a alma aos que confiam em Deus.
Akati, "Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai."
Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu,
Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu,
Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa;
ndiponesei, ipapo ndichaponeswa,
nokuti imi ndimi wandinorumbidza.
iye anokanganwira zvivi zvako zvose,
uye anoporesa kurwara kwako kwose,
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,
uye anosunga maronda avo.
Jehovha anosvinudza mapofu,
Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi,
Jehovha anoda vakarurama.
Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba;
Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.
Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake;
achamuropafadza panyika
uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.
Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere
uye achamuponesa panhoo yake yourwere.
Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.
Oração pelos doentes
A oração da fé salvará o enfermo. Confessai as ofensas uns aos outros e orai uns pelos outros para serdes curados.
Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.
Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.
Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
Kuti ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvandakazarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, mutumwa waSatani, kuti unditambudze. Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri. Asi iye akati kwandiri, "Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera." Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu. Ndokusaka, nokuda kwaKristu ndichifara muutera, mukutukwa, mumatambudziko, munhamo, nomukuomerwa. Nokuti kana ndine utera, ipapo ndipo pandine simba.
Esperança na aflição
Ele tomou sobre si as nossas enfermidades. Mesmo na doença, o coração alegre serve de bom remédio e Deus dá esperança.
Zvirokwazvo akatakura matenda edu,
uye akatakura kurwadziswa kwedu;
asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari,
akarohwa naye uye akarwadziswa.
Zvirokwazvo akatakura matenda edu,
uye akatakura kurwadziswa kwedu;
asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari,
akarohwa naye uye akarwadziswa.
Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa,
uye anoziva kutambudzika.
Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa,
uye isu hatina kumukudza.
Mwoyo wakafara mushonga wakanaka,
asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.
Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara,
asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?
Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo,
asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
Pandakanyarara,
mapfupa angu akarukutika nokuda
kwokugomera kwangu zuva rose.
Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri. Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.
Rega kunwa mvura yoga, uye unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako uye nokurwara-rwara kwako.
Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura."