Publicidade

Domínio próprio

Por Bíblia Online

O domínio próprio é fruto do Espírito e marca de maturidade espiritual. A Bíblia ensina que quem governa o próprio espírito é melhor do que quem conquista uma cidade.

Fruto do Espírito

O fruto do Espírito inclui domínio próprio. A graça de Deus nos ensina a viver de maneira sóbria e justa neste mundo.

Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.

Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose. Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,

Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.

Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva; napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari; napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.

Governar a si mesmo

Melhor é o que domina o seu espírito do que o que toma uma cidade. A cidade sem muros é o homem sem domínio próprio.

Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi,

munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.

Seguta rakakoromoka masvingo

ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.

Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose,

asi munhu akachenjera anozvibata.

Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi,

asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.

Hamuzivi here kuti panhangemutange vanhu vose vanomhanya, asi mumwe chete ndiye anopiwa mubayiro? Mhanyai zvokuti mugowana mubayiro.

Vanhu vose vanopinda mumutambo vanozvirovedza zvakaoma. Vanoita izvi kuti vawane korona isingagari; asi isu tinozviita kuti tiwane korona inogara nokusingaperi. Naizvozvo handimhanyi somunhu asina chinangwa; handirwi somunhu anorova mhepo. Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.

Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva.

Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

Disciplina e vigilância

Sede sóbrios e vigilantes. O diabo anda em derredor como leão rugidor. A sobriedade nos protege e fortalece.

Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.

Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.

Kuraramira Mwari

Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi. Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari. Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza. Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo. Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa.

kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;

O senhorio de Cristo

Todo domínio pertence a Cristo. Ele é Senhor dos senhores e Rei dos reis — e nos capacita a viver em santidade.

Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose

kwose kwose kuno umambo hwake.

Rumbidza Jehovha, mweya wangu.

Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi,

uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose,

uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

"Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake. Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.

Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.

Zviratidzo zvake zvikuru sei,

zvishamiso zvake zvine simba sei!

Umambo hwake umambo husingaperi;

kubata kwake ushe kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.

Nokuti takazvarirwa mwana,

takapiwa mwanakomana,

uye umambo huchava pamapfudzi ake.

Uye achanzi Gota Rinoshamisa,

Mwari Ane Simba,

Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.

Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake

hazvizovi namagumo.

Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi

napamusoro poumambo hwake,

achihusimbisa nokuhutsigira,

nokururamisira uye nokururama,

kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi.

Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose

kuchazviita.

Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.

raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga, pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya.

Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.

Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake.

Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari.

Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu,

Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu. Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga; ipapo paanouya, tevere vose vanova vake. Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.

"Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari;

uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-