Educação das crianças
A educação cristã dos filhos é responsabilidade sagrada dos pais. A Bíblia ensina a instruir, disciplinar e modelar a fé desde a tenra idade, formando gerações que temem ao Senhor.
Instruir nos caminhos de Deus
Instrui a criança no caminho em que deve andar. A educação bíblica molda o caráter e estabelece fundamentos para a vida.
Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,
uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,
asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.
Uchenjeri chinhu chikuru
Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu;
nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.
Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa
Yambiro pamusoro poUnyengeri
Mwanakomana wangu, teerera,
kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako
nouketani hunoshongedza mutsipa wako.
Anotaura nouchenjeri,
uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.
Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.
Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.
Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhi, paakati kwandiri, "Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo."
Isai mashoko angu aya mumwoyo yenyu nepfungwa dzenyu; asungirei pamaoko enyu sezviratidzo uye muasungire pahuma dzenyu. Adzidzisei kuvana venyu, muchitaura pamusoro pawo pamunogara pasi uye nepamunenge muchifamba panzira, pamunorara pasi uye nepamunomuka. Anyorei pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu, kuitira kuti mazuva enyu namazuva avana venyu awande panyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha kuti achavapa, awande samazuva ayo denga richava pamusoro penyika.
Disciplina e amor
A vara e a repreensão dão sabedoria. A disciplina é expressão de amor que protege e forma o caráter dos filhos.
Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,
asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare;
achauyisa mufaro kumweya wako.
Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,
asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
Usarega kuranga mwana;
ukamuranga neshamhu, haafi.
Murange neshamhu
ugoponesa mweya wake kubva parufu.
Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro;
usava nechikamu pakuparadzwa kwake.
Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?
Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
Ensinar pelas Escrituras
Desde a infância conheces as sagradas letras. As Escrituras formam, equipam e capacitam para toda boa obra.
uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.
Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani, uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu.
Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu;
teererai mashoko omuromo wangu.
Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo,
ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,
zvatakanzwa nezvatakaziva,
zvatakaudzwa namadzibaba edu.
Hatingazozvivanziri vana vavo;
tichaudza rudzi runotevera
mabasa angarumbidzwa aJehovha,
simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
zvatakanzwa nezvatakaziva,
zvatakaudzwa namadzibaba edu.
Hatingazozvivanziri vana vavo;
tichaudza rudzi runotevera
mabasa angarumbidzwa aJehovha,
simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
Hatingazozvivanziri vana vavo;
tichaudza rudzi runotevera
mabasa angarumbidzwa aJehovha,
simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
Akatema zvirevo zvaJakobho
akasimbisa murayiro muIsraeri,
waakarayira madzitateguru edu
kuti vadzidzise vana vavo,
kuti rudzi runotevera ruzvizive,
kunyange vana vachazoberekwa,
naivo vagozoudzawo vana vavo.
Ipapo vachavimba naMwari wavo
uye havangazokanganwi mabasa ake
asi vachazochengeta mirayiro yake.
Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;
akaropafadzwa munhu anovanda maari.
Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,
nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.
Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,
asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.
Uyai, vana vangu, nditeererei;
ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
Uyai, vana vangu, nditeererei;
ndichakudzidzisai kutya Jehovha.
Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
Bênção e promessa
Os filhos são herança do Senhor. A educação cristã é investimento eterno que produz frutos em todas as gerações.
Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."
Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota,
nehova pamusoro pevhu rakaoma;
ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako,
nemikomborero yangu pamusoro pavana vako.
Vapenyu, ivo vapenyu,
ndivo vanokurumbidzai,
sezvandiri kuita iye nhasi;
madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.
Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,
uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.