Publicidade

Encorajamento

Por Bíblia Online

O encorajamento é uma das vocações mais lindas do cristão. A Bíblia transborda de palavras de ânimo: não temas, levanta-te, Eu sou contigo. Deus nos encoraja para encorajarmos outros.

Não temas

Deus diz repetidamente: não temas, Eu sou contigo. Ele fortalece, sustenta e caminha ao nosso lado em cada desafio.

Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe;

usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako.

Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira;

ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.

Paunopfuura nomumvura zhinji

ini ndichava newe;

uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri.

Paunofamba nomumoto, haungazotsvi;

murazvo haungazokupisi.

Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu,

uye nokuti ndinokuda,

ndichaisa vanhu panzvimbo yako,

namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.

Usatya, nokuti ndinewe;

ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva,

ndichakuunganidzai kubva kumavirira.

"Usatya hako: haunganyadziswi.

Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi.

Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako,

uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.

Kutongwa noRuponeso

"Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza;

ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka.

Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu

ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’

asi avo vane tariro muna Jehovha

vachavandudza simba ravo.

Vachabhururuka namapapiro samakondo;

vachamhanya vasinganeti;

vachafamba vasingaziyi.

Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, "Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?"

Ini ndakati, "Ndiri pano! Nditumei!"

Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda."

Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda."

Ipapo vanhu vakapindura vachiti, "Ngazvive kure nesu kuti tisiye Jehovha kuti tishumire vamwe vamwari! Jehovha Mwari wedu pachake, ndiye akatibudisa isu namadzibaba edu kubva muIjipiti, nyika youranda, uye akaita zviratidzo zvikuru zvatakaona. Akatidzivirira parwendo rwedu rwose rwatakafamba pakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri.

Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai."

Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo."

Deus está conosco

Se Deus é por nós, quem será contra nós? Tudo posso naquele que me fortalece. Ele nos encoraja pela sua presença.

Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?

Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, "Abha, Baba."

Mumwe nomumwe wedu anofanira kufadza muvakidzani wake pane zvakanaka, zvinomuvaka.

Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,

Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa, ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu.

Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.

ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.

Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!

Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva.

Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose.

Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri. Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa. Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa.

Ushumiri hwoKuyananisa

Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu. Hatisi kuedza kuzvirumbidza kwamuri zvakare, asi tiri kukupai mukana wokuti muzvirumbidze nokuda kwedu, kuti mugone kupindura vaya vanozvirumbidza nokuda kwezvinhu zvinoonekwa panzvimbo yezvinhu zviri mumwoyo. Kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu. Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza, nokuti tinoziva kuti mumwe chete akafira vose, uye naizvozvo vose vakafa. Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa.

Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo. Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.

Nokuti kana chido chiripo, chipo chinogamuchirwa, maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvaasina.

Mwari woKunyaradza Kwose

Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

Ânimo nas lutas

No mundo tereis aflições, mas tende bom ânimo — Eu venci o mundo. O Senhor é refúgio seguro em toda tribulação.

"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."

"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."

Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.

Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.

Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo.

Promessas de conforto

Vinde a mim os cansados e sobrecarregados. Lança sobre Ele tuas ansiedades, pois Ele cuida de ti.

"Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.

Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.

Kanda kufunganya kwako pana Jehovha

uye iye achakusimbisa;

haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,

handingatyi zvakaipa,

nokuti imi muneni;

tsvimbo yenyu nomudonzvo

wenyu zvinondinyaradza.

Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,

handingatyi zvakaipa,

nokuti imi muneni;

tsvimbo yenyu nomudonzvo

wenyu zvinondinyaradza.

Pisarema raDhavhidhi.

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Simbai uye mutsunge mwoyo,

imi mose munorindira Jehovha.

Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;

ndichakupa zano uye ndichakurinda.

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.

Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,

ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka,

uye makomo akawira mukatikati megungwa,

kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo,

uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera

Pandinenge ndotya,

ndichavimba nemi.

Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,

muna Mwari ndinovimba; handichazotyi.

Ko, munhu anofa angandiitei?

Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;

tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,

simbisai basa ramaoko edu.

Rwiyo rworwendo.

Ndinosimudzira meso angu kumakomo,

kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,

muiti wokudenga napasi.

Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.

Nokuti ari kurudyi rwangu,

handingatongozungunuswi.

Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,

nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,

nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.

Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo.

Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka? Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. "Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa."

Encorajar uns aos outros

Encorajai-vos mutuamente e edificai-vos uns aos outros. Não desanimemos — a bondade do Senhor é nova a cada manhã.

Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati:

"Handingatongokusiyei;

handingatongokurasei."

Saka tinotsunga mwoyo, tichiti:

"Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi.

Munhu angandiiteiko?"

Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.

Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.

Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.

Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, "Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera.

Jehovha Mwari wako anewe,

ndiye ane simba rokuponesa.

Achafadzwa zvikuru newe,

achakunyaradza norudo rwake,

achafara nokuda kwako nokuimba."

Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro,

asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.

Jesu akati, "Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu." Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.

Deus chama pelo nome

Ao longo da Bíblia, Deus chamou seus servos pelo nome — Abraão, Moisés, Samuel, Paulo — encorajando cada um pessoalmente.

Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, "Jakobho! Jakobho!"

Iye akati, "Ndiri pano."

Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’

Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, "Abhurahama! Abhurahama!"

Iye akapindura akati, "Ndiri pano hangu."

Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, "Mozisi! Mozisi!"

Uye Mozisi akati, "Ndiri pano hangu."

asi Eri akamudana akati, "Samueri, mwanakomana wangu."

Samueri akapindura akati, "Ndiri pano."

MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, "Ananiasi!"

Iye akapindura akati, "Ndiri pano Ishe."

Maria akati, "Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva." Ipapo mutumwa akabva paari.

Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari. Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-