Publicidade

Ensinar

Por Bíblia Online

Ensinar é mandamento e dom. A Bíblia exorta pais, líderes e mestres a transmitir a verdade divina com fidelidade, paciência e sabedoria para as próximas gerações.

Ensinar a Palavra

Toda Escritura é útil para ensinar. Quem ouve as palavras de Jesus e as pratica é como o homem sábio que construiu sobre a rocha.

Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

"Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.

Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.

Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.

Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:

kuti uwane uchenjeri nokurayirwa;

nokunzwisisa mashoko enjere;

kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri

uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;

kuti vasina mano vapiwe uchenjeri,

jaya ripiwe ruzivo namano,

vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo,

uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,

kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo,

mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.

Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo,

asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

Instruir as gerações

Ensina a criança nos caminhos de Deus. A geração que não conhece o Senhor perde a herança espiritual da fé.

Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

Mwanakomana wangu, teerera,

kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako

nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,

uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi;

uzvishonge pamutsipa wako.

Paunofamba zvichakutungamirira;

paucharara, zvichakurinda;

pauchamuka, zvichataura newe.

Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza,

uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,

Wana uchenjeri, wana kunzwisisa;

usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta;

hude, ihwo hugokurinda.

Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri.

Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

Uhukudze; ipapo huchakusimudzira;

uhumbundikire, ipapo huchakukudza.

Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda;

nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.

Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa,

kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.

Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako,

nokuti ndicho chitubu choupenyu.

Bvisa zvinotsausa pamuromo wako;

kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

Meso ako ngaatarire mberi bedzi,

ramba wakatarira mberi kwako.

Gadzirira tsoka dzako gwara

ugofamba munzira dzakasimba chete.

Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe;

chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.

Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu,

rinobvisa munhu pamusungo worufu.

"Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri,

uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu;

teererai mashoko omuromo wangu.

Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo,

ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,

zvatakanzwa nezvatakaziva,

zvatakaudzwa namadzibaba edu.

Hatingazozvivanziri vana vavo;

tichaudza rudzi runotevera

mabasa angarumbidzwa aJehovha,

simba rake, nezvishamiso zvaakaita.

Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka.

Fidelidade no ensino

Quem ensina com fidelidade merece dupla honra. Cuidado com doutrinas falsas — permaneçam na doutrina de Cristo.

Vakuru vanobata kereke zvakanaka vakafanira kukudzwa zvakapetwa kaviri, zvikuru sei vaya vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa. Nokuti Rugwaro runoti, "Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo," uye "Mushandi akafanirwa nomubayiro wake."

Nzvenga kutaura kusinei naMwari, nokuti vaya vanhu vanodaro vacharamba vachirasikirwa noumwari. Dzidziso yavo ichanyenga seronda. Pakati pavo pana Himenayasi naFiretasi,

Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.

Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa. VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, "Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?"

Jesu akapindura akati, "Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga. Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-