Esperança
A esperança cristã não é desejo vago — é certeza inabalável fundamentada nas promessas de Deus. Ela é âncora da alma, firme e segura, que penetra até o interior do véu.
Esperança viva
Bendito seja Deus que nos gerou de novo para uma esperança viva, mediante a ressurreição de Jesus Cristo.
Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,
Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,
Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
Esperança que não decepciona
A esperança não decepciona, pois o amor de Deus é derramado em nossos corações pelo Espírito Santo.
Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.
Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.
Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari.
Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro.
Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare? Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.
Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.
Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
A fé é a certeza
A fé é a certeza do que se espera. Mantenhamos firme a confissão da esperança, pois fiel é o que prometeu.
Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa,
Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene,
Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.
nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri
Esperança e confiança
Eu sei os planos que tenho para vocês — planos de paz e esperança. Deus é a fonte de toda esperança.
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Simbai uye mutsunge mwoyo,
imi mose munorindira Jehovha.
Simbai uye mutsunge mwoyo,
imi mose munorindira Jehovha.
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve.
Muponesi wangu naMwari wangu.
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve.
Muponesi wangu naMwari wangu.
Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu;
ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu;
ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu,
asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.
Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho,
tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,
haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi.
Musandirega ndichinyadziswa,
uye musarega vavengi vangu vachindikunda.
Hapana munhu ane tariro mamuri
achanyadziswa,
asi vachanyadziswa
avo vanonyengera pasina chikonzero.
Esperança eterna
Somos salvos na esperança. Aquele que prometeu é fiel. A esperança está guardada nos céus para os que creem.
kuitira kuti mushure mokunge taruramisirwa nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi.
uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda.
Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisina angaswedera pachiri, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.
Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo.
Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.
Hama, hatidi kuti muve vasingazivi pamusoro paavo vavete, kana kuchema savamwe vavo, vasina tariro. Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari.
Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru.
Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.
Expressões de esperança
Vinde a mim todos os que estais cansados. A esperança adia a dor e floresce na presença do Senhor.
"Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,
nokuti Jehovha akandizodza
kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.
Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,
kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,
nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
asi avo vane tariro muna Jehovha
vachavandudza simba ravo.
Vachabhururuka namapapiro samakondo;
vachamhanya vasinganeti;
vachafamba vasingaziyi.
Ndinoti kumwoyo wangu, "Jehovha ndiye mugove wangu;
naizvozvo ndichamumirira."
Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha,
ndinomirira Mwari Muponesi wangu;
Mwari wangu achandinzwa.
Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo,
asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo,
asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
Firmeza na esperança
Esperai no Senhor! O cavalo é vaidade para a segurança, mas o Senhor guarda os que nele esperam.
Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha,
kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.
Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha,
kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.
Tinomirira Jehovha netariro;
ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa;
harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.
Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya,
napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,
kuti avarwire parufu
nokuvararamisa panzara.
Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,
uye tariro yangu iri mushoko rake.
Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;
tariro yangu inobva kwaari.
Munotipindura namabasa okururama anotyisa,
imi Mwari Muponesi wedu,
tariro yemigumo yepasi pose
namakungwa ari kure kure,
"Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko?
Tariro yangu iri mamuri.
nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa,
nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu,
uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;
mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu
uye ndichimirira netariro.
Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa,
uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.
Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,
iye acharinda upenyu hwako;
Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,
kubva zvino uye nokusingaperi.
Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.
Nokuti ari kurudyi rwangu,
handingatongozungunuswi.