Pular para o conteúdo
Publicidade

Esperar no Senhor

Por Bíblia Online

Esperar no Senhor é ato de fé e confiança. A Bíblia promete que os que esperam em Deus renovam as forças, recebem direção e experimentam a fidelidade divina no tempo certo.

Renovar as forças

Os que esperam no Senhor renovam as forças. Sobem como águias, correm e não se cansam, caminham e não se fatigam.

asi avo vane tariro muna Jehovha

vachavandudza simba ravo.

Vachabhururuka namapapiro samakondo;

vachamhanya vasinganeti;

vachafamba vasingaziyi.

Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;

anosimuka kuti akuratidzei tsitsi.

Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira.

Vakaropafadzwa vose vanomurindira!

Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:

ndichaona kunaka kwaJehovha

munyika yavapenyu.

Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri

kuzodya nyama yangu,

vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa,

vanogumburwa ndokuwa.

Kunyange hondo ikandikomba,

mwoyo wangu haungazotyi;

kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa,

ipapo ndichavimba naJehovha.

Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,

ndicho chandinotsvaka:

kuti ndigare mumba maJehovha

mazuva ose oupenyu hwangu,

kuti nditarire kunaka kwaJehovha

uye ndimutsvake mutemberi yake.

Nokuti zuva rokutambudzika

achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara;

achandiviga mudumba retabhenakeri yake,

agondikwidza pamusoro pedombo.

Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa

pamusoro pavavengi vakandipoteredza;

ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru;

ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.

Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha;

ndinzwirei ngoni mugondipindura.

Mwoyo wangu unoti kwandiri, "Tsvaka chiso chake!"

Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

Regai kundivanzira chiso chenyu,

musadzinga muranda wenyu mukutsamwa;

makanga muri mubatsiri wangu.

Regai kundiramba kana kundisiya,

imi Mwari Muponesi wangu.

Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya,

Jehovha achandigamuchira.

Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha;

ndisesedzei munzira yakarurama

nokuda kwavamanikidzi vangu.

Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu,

nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira,

vachifemedzeka nehasha.

Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:

ndichaona kunaka kwaJehovha

munyika yavapenyu.

Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Espera paciente

Esperei com paciência no Senhor e Ele se inclinou para mim. Confie nele e descanse — Ele agirá no tempo certo.

Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu;

iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

Akandibudisa mugomba rakadzika,

kunze kwamatope netsvina;

akamisa tsoka dzangu padombo

akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu,

rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu.

Vazhinji vachaona, uye vachatya

uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

Akaropafadzwa munhu

akaita Jehovha ruvimbo rwake,

asingatariri kuna vanozvikudza,

kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

zvizhinji zvishamiso zvamakaita.

Zvinhu zvamakatitongera hakuna

angazvirondedzera kwamuri;

dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo,

zvaizowandisa kuzvizivisa.

Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo,

asi nzeve dzangu makadziboora;

zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso

zvezvivi hamuna kuzvireva.

Ipapo ndakati, "Ndiri pano hangu,

ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.

Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu;

murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu."

Ndinoparidza kururama paungano huru;

handidziviri miromo yangu,

sokuziva kwenyu, imi Jehovha.

Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu;

ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu.

Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu

paungano huru.

Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha;

rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.

Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza;

zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona.

Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu,

uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.

Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei;

haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.

Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu

ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;

vose vanoda kuparadzwa kwangu

ngavadzoserwe shure vanyadziswe.

Tinomirira Jehovha netariro;

ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.

Mwoyo yedu inofara maari,

nokuti tinovimba nezita rake dzvene.

Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha,

kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.

Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,

uye tariro yangu iri mushoko rake.

Mweya wangu unorindira Ishe

kupfuura varindi

vanomirira rungwanani.

Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;

tariro yangu inobva kwaari.

Rindira Jehovha,

uye uchengete nzira yake.

Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika;

kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

Confiança e perseverança

Confie no Senhor de todo o coração. Sede pacientes na tribulação — o Senhor é fiel e cumprirá todas as suas promessas.

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose

urege kuzendamira panjere dzako;

munzira dzako dzose umutungamidze,

uye acharuramisa nzira dzako.

Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro.

muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo

Mwoyo Murefu muKutambudzika

Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso. Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.

Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere netsitsi nengoni.

Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo. Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. Nokuti,

"Vanhu vose vakaita souswa,

uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa;

uswa hunosvava uye maruva anowira pasi,

asi shoko raShe rinogara nokusingaperi."

Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.

Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.

Mufananidzo waVasikana Gumi

"Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera. Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi. Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo. Chikomba chakanonoka kusvika, vose vakabatwa nehope ndokuvata.

"Pava pakati pousiku vakanzwa mheremhere: Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!

"Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo. Mapenzi akati kuna vakachenjera, Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.

"Vakapindura vakati, Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.

"Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.

"Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!

"Asi akavapindura achiti, Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.

"Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva.

Seja o primeiro