Espírito
O espírito humano é a parte mais profunda do nosso ser — onde Deus habita, onde a fé se ancora e de onde brota a verdadeira adoração. A Bíblia nos chama a viver pelo Espírito.
A natureza do espírito
O espírito está pronto, mas a carne é fraca. A batalha entre carne e espírito é constante e exige vigilância.
Rindai uye munyengetere kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda, asi muviri wakaneta."
"Vakaropafadzwa varombo pamweya,
nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.
Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;
O Espírito de Deus em nós
Vosso corpo é templo do Espírito Santo. Deus fortalece com poder no homem interior pelo seu Espírito.
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu; makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.
Asi uyo akasanganiswa naShe ava mumwe naye mumweya.
Nokuti ndianiko pakati pavanhu anoziva ndangariro dzomunhu kunze kwomweya womunhu uri mukati make? Saizvozvowo hakuna munhu anoziva ndangariro dzaMwari kunze kwoMweya waMwari.
Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu.
Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo,
Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani.
Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, "Abha, Baba." Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.
Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.
Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, "Abha, Baba."
Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama.
nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.
Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.
Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.
Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.
Vida no Espírito
Deus é Espírito e importa que os que o adoram o adorem em espírito e em verdade. O Espírito vivifica e transforma.
Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi."
Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi."
Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.
Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.
nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.
Promessas do Espírito
Derramarei o meu Espírito sobre toda a carne. O Espírito revela, guia e capacita os filhos de Deus.
Dai makateerera kutsiura kwangu,
ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri
uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.
Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake,
asi Jehovha anoyera zvinangwa.
Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa,
mweya wamanyawi unotangira kuwa.
Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa
pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.
Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi,
munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.
Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu;
unonzvera zviri mukatikati make.
Saka akati kwandiri, "Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,
nokuti Jehovha akandizodza
kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.
Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,
kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,
nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
Ndichavapa mwoyo mumwe uye ndichaisa mweya mutsva mukati mavo; ndichabvisa mwoyo webwe mukati mavo ndigovapa mwoyo wenyama. Ipapo vachatevera mitemo yangu uye vachachenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.
Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama.
Cuidar do espírito
Cria em mim um coração puro e renova dentro de mim um espírito reto. O espírito quebrantado Deus não rejeita.
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari,
uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Regai kundirasa pamberi penyu
kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu,
uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.
Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika;
mwoyo wakaputsika nowakapwanyika,
imi Mwari hamuzoushori.
Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika
uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
Regai kuvimba namachinda,
navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.
Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu;
pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika.
Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.
Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!"
Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzakamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.
Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.
Asi ndiwo mweya uri mumunhu,
kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka;
uye mbiya yegoridhe isati yaputswa;
chirongo chisati chapwanyika pachitubu,
uye vhiri risati raputswa patsime,
uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva,
nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.
Zviratidzo zvake zvikuru sei,
zvishamiso zvake zvine simba sei!
Umambo hwake umambo husingaperi;
kubata kwake ushe kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa.