Pular para o conteúdo
Publicidade

Estudar a Bíblia

Por Bíblia Online

Estudar a Bíblia é mergulhar na mente de Deus. A Palavra é lâmpada para os pés, espada do Espírito e alimento para a alma. O cristão que estuda cresce em sabedoria e maturidade.

A importância do estudo

Os bereanos eram mais nobres porque examinavam as Escrituras diariamente. Estudar a Bíblia é mandamento e privilégio.

Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.

Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.

uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa.

Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu,

Meditar e guardar

Não se aparte a lei do Senhor da tua boca. Medita nela de dia e de noite para que cumpras tudo o que nela está escrito.

Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.

Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,

nechiedza chenzira yangu.

Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei!

Ndinoufungisisa zuva rose.

Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,

nokuti inogara neni nguva dzose.

Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu,

nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?

Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;

musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.

Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,

kuti ndirege kukutadzirai.

Imi munofanira kukudzwa, Jehovha;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

Nemiromo yangu ndichataurazve

mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.

Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu,

somunhu anofarira pfuma huru.

Ndinofungisisa zvirevo zvenyu,

uye ndinorangarira nzira dzenyu.

Ndinofarira mitemo yenyu;

handingakanganwi shoko renyu.

Gimeri

Ndichakurumbidzai nomwoyo wakarurama,

sezvo ndichidzidza mirayiro yenyu yakarurama.

Estudo diligente

Esdras preparou o coração para buscar e ensinar a lei. O estudo exige disciplina, constância e coração aberto.

Akanga atanga rwendo rwake kubva kuBhabhironi zuva rokutanga romwedzi wokutanga akasvika muJerusarema pazuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake. Nokuti Ezira akanga akazvipira kunzvera nokutevera Murayiro waJehovha, uye nokudzidzisa mitemo nemirayiro yawo muIsraeri.

Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.

Kana achinge agara pachigaro chake choushe, anofanira kuzvinyorera bhuku romurayiro uyu, achitora kubva mumirayiro yavaprista vanova vaRevhi. Anofanira kugara naro uye anofanira kuriverenga mazuva ose oupenyu hwake kuitira kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye agochenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu nemitemo iyi. Uye haafaniri kuzviona seari nani kupfuura hama dzake agotsauka kubva pamurayiro kurudyi kana kuruboshwe. Ipapo iye nezvizvarwa zvake achagara nguva huru paushe hwake muIsraeri.

Mavambo: Chinangwa neDingindira

Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:

kuti uwane uchenjeri nokurayirwa;

nokunzwisisa mashoko enjere;

kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri

uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;

kuti vasina mano vapiwe uchenjeri,

jaya ripiwe ruzivo namano,

vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo,

uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,

kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo,

mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.

Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye uye amuteerere

Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,

asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,

nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako,

uye nokubudirira.

Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda;

nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.

Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza,

uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,

Proteção e crescimento

Quem ignora a Palavra perece. Toda Escritura é útil — crescei na graça e no conhecimento do nosso Senhor.

Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo.

"Sezvo maramba zivo,

ini ndinokurambaiwo savaprista vangu;

nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu,

ini ndichashayirawo hanya vana venyu.

Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza.

Jesu akapindura akati, "Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari?

Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.

Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu. Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.

Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.

Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru, vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera.

Seja o primeiro