Publicidade

Simplicidade do Evangelho

Por Bíblia Online

A simplicidade do evangelho é sua força. Deus escolheu as coisas loucas do mundo para confundir os sábios. O poder está na mensagem da cruz, não na eloquência humana.

Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika ino kuti anyadzise vakachenjera; Mwari akasarudza zvisina simba zvenyika ino kuti anyadzise vane simba. Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo, kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.

Nokuti Kristu haana kundituma kuti ndinobhabhatidza asi kuti ndinoparidza vhangeri, kwete namashoko ouchenjeri hwavanhu, kuti muchinjikwa waKristu urege kupedzwa simba rawo.

Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya,

Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri."

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-