Pular para o conteúdo
Publicidade

Evangelização

Por Bíblia Online

A evangelização é a missão suprema da Igreja. Jesus mandou: ide por todo o mundo e pregai o evangelho a toda criatura. O evangelho é poder de Deus para a salvação de todo aquele que crê.

A Grande Comissão

Ide, fazei discípulos de todas as nações. Jesus confiou a seus seguidores a missão de levar a boa notícia ao mundo inteiro.

Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika."

Akati kwavari, "Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.

Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika."

"Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.

Munyu neChiedza

"Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, "Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo."

O poder do evangelho

O evangelho é poder de Deus para a salvação. A fé vem pelo ouvir, e o ouvir pela Palavra de Cristo.

Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi.

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa.

Kumuka kwaKristu

Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina.

Akakudanirai izvi nevhangeri redu, kuti mugovane mukubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

Testemunhar e proclamar

Estai sempre preparados para responder com mansidão a todo aquele que pedir razão da vossa esperança.

Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,

Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu."

Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.

Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti:

" Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi,

kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ "

Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.

"Mweya waShe uri pamusoro pangu,

nokuti akandizodza

kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.

Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa

uye kuti vasingaoni vaone,

kuti ndisunungure vakamanikidzwa,

Jesu akapindura akati, "Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.

Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa.

Fazer conhecer

Dai graças ao Senhor, invocai o seu nome, fazei conhecidas as suas obras entre os povos.

Vongai Jehovha, danai kuzita rake;

zivisai zvaakaita pakati pendudzi.

Pazuva iro muchati,

"Vongai Jehovha, danai kuzita rake;

zivisai zvaakaita pakati pendudzi,

uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.

Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya.

Zvinofanira kudzidziswa Vatendi

Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.

Nokudaro ndicharatidza ukuru hwangu noutsvene hwangu, uye ndichazvizivisa pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

Seja o primeiro