Pular para o conteúdo
Publicidade

Família de Deus

Por Bíblia Online

A família de Deus transcende laços de sangue. Em Cristo, somos adotados como filhos, irmãos uns dos outros e membros de uma família eterna — a Igreja.

Adotados por Deus

Recebemos o espírito de adoção pelo qual clamamos: Abba, Pai! Se filhos, também herdeiros — herdeiros de Deus e co-herdeiros com Cristo.

Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, "Abha, Baba." Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.

Asi nguva yakati yakwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana. Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, "Abha, Baba." Saka hamuchisiri nhapwa, asi vanakomana; uye sezvo muri vanakomana, Mwari akakuitaiwo vadyi venhaka.

Vanakomana vaMwari

Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu, nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu. Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.

akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.

Kunyengeterera vaEfeso

Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba, nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari.

Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.

A comunidade de fé

Não abandonem a congregação. Somos um corpo em Cristo, membros uns dos outros, chamados a amar e a servir.

Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama! Madzibaba edu aitiranga kwenguva duku sezvavaifunga kuti zvakafanira; asi Mwari anotiranga kuti zvitibatsire, kuti tigogoverwa utsvene hwake.

saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.

Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.

Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

Quem é minha família?

Jesus disse: quem faz a vontade de Deus, esse é meu irmão e irmã. A família de Deus inclui todos os que creem.

Iye akati, "Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?"

Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, "Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu! Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu."

Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi.

Vana vaDhiabhori

Jesu akati kwavari, "Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma.

Rayiro pamusoro peChirikadzi, Vakuru naVaranda

Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanunʼuna vako. Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo.

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.

Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.

Seja o primeiro