Pular para o conteúdo
Publicidade

Família

Por Bíblia Online

A família é a primeira instituição criada por Deus. Ele a projetou para ser escola de amor, fé e formação de caráter. A Bíblia honra a família e nos ensina a cuidar dela.

Eu e minha casa

Eu e minha casa serviremos ao Senhor. A família que serve a Deus juntos permanece unida e fortalecida em todas as circunstâncias.

Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha."

Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha."

Vakapindura vakati, "Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako."

Jehovha Mwari wedu ngaave nesu sezvaaiva namadzibaba edu; ngaarege kuzotisiya kana kutirasa.

Criar os filhos

Instrui a criança no caminho em que deve andar. O lar é a primeira escola de fé e obediência.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa

Yambiro pamusoro poUnyengeri

Mwanakomana wangu, teerera,

kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako

nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

Yambiro pamusoro poUpombwe

Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,

uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Vana naVabereki

Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,

Honrar e amar

Honra teu pai e tua mãe. A família funciona com perdão, paciência e amor incondicional entre todos os seus membros.

Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ "

Kurambana

Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda kudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera uye akavaporesa ikoko.

Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, "Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?"

Akavapindura achiti, "Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa."

Vakabvunzazve vachiti, "Sei Mozisi akarayira kuti murume ape mukadzi wake rugwaro rwokumuramba obva amuendesa?"

Jesu akapindura achiti, "Mozisi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi zvainge zvisina kudaro kubva pakutanga. Ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake, kunze chete nokuda kwoupombwe, akazowana mumwe mukadzi, atoita upombwe."

Vadzidzi vake vakati kwaari, "Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana."

Jesu akapindura akati kwavari, "Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire."

Vana Vaduku naJesu

Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo.

Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai." Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.

Jaya Mupfumi

Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, "Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?"

Jesu akati kwaari, "Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro."

Murume uya akabvunza achiti, "Ipiko?"

Jesu akapindura akati, " Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema. Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ "

Jaya riya rakati, "Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?"

Jesu akati, "Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera."

Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo.

Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, "Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari."

Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, "Ndiani zvino achaponeswa?"

Jesu akavatarisa akati, "Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka."

Petro akamupindura akati, "Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?"

Jesu akati kwavari, "Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri. Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.

Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.

Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.

Kana munhu achiti, "Ndinoda Mwari," asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona.

Cuidar da família

Quem não cuida dos seus negou a fé. A família é responsabilidade sagrada — prover, proteger e abençoar é mandamento divino.

Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.

Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.

Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.

Kupesana muKereke

Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

Semiseve mumaoko emhare

ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

Akaropafadzwa murume

ane goba rizere navo.

Havanganyadziswi

pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi,

rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya,

nokururama kwake kuvana vavana vavo,

naavo vanochengeta sungano yake

uye vanorangarira kuita zvaakatema.

Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi,

rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya,

nokururama kwake kuvana vavana vavo,

naavo vanochengeta sungano yake

uye vanorangarira kuita zvaakatema.

Zvakanaka uye zvinofadza sei

kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

Unidade familiar

A coroa dos velhos são os filhos dos filhos. O casamento, os filhos e a comunhão familiar são bênçãos de Deus.

Vana vevana ikorona kune vakwegura,

uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

Vana vevana ikorona kune vakwegura,

uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

Shamwari inoda panguva dzose,

uye hama yakaberekerwa kupikisana.

Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa,

asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.

Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako,

uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete,

muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.

Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera,

ipapo mwoyo wangu uchafara;

Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru;

uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.

Zvirevo zvaSoromoni

Zvirevo zvaSoromoni:

Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,

asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.

Pedza basa rako rapanze

ugadzirire minda yako;

shure kwaizvozvo, uvake imba yako.

Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake,

asi anovenga fufuro achararama.

Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete,

uye benzi richava muranda womunhu akachenjera.

Casamento e família

O homem deixará pai e mãe e se unirá à sua mulher. A família começa no casamento — aliança sagrada diante de Deus.

Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.

Mwari akavaropafadza akati kwavari, "Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika."

Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.

Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari akavaita murume nomukadzi.Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake, uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa."

Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!"

"Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo,

uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here?

Kunyange hazvo ivo vakakanganwa,

ini handizokukanganwi!

Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu;

madziro ako anogara ari mberi kwangu.

Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.

Seja o primeiro