Publicidade

Filhos

Por Bíblia Online

Os filhos são herança do Senhor — bênção e responsabilidade sagrada. A Bíblia orienta sobre a criação dos filhos com amor, disciplina e instrução nos caminhos de Deus.

Herança do Senhor

Os filhos são herança do Senhor e o fruto do ventre é seu galardão. Bem-aventurado o homem que enche deles a sua aljava.

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

Semiseve mumaoko emhare

ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

Akaropafadzwa murume

ane goba rizere navo.

Havanganyadziswi

pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

Rwiyo rworwendo.

Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,

vanofamba munzira dzake.

Uchadya chibereko chokushanda kwako;

maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,

pakati peimba yako;

vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,

vakakomberedza tafura yako.

Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,

anotya Jehovha.

Rwiyo rworwendo.

Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,

vanofamba munzira dzake.

Uchadya chibereko chokushanda kwako;

maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.

Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,

pakati peimba yako;

vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,

vakakomberedza tafura yako.

Ipapo vanakomana vedu pauduku

hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka,

uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa

kuti dzishongedze muzinda wamambo.

Vana vake vachava nesimba panyika;

zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.

Mwari akavaropafadza akati kwavari, "Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika."

Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako.

Mucharopafadzwa kupfuura mamwe marudzi ose, hapangavi nomurume kana mukadzi asingabereki, kana chipfuwo chipi zvacho chisingabereki.

Instruir e disciplinar

Instrui a criança no caminho em que deve andar, e quando envelhecer não se desviará dele. Disciplina é amor em ação.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,

asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,

asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,

asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.

Usarega kuranga mwana;

ukamuranga neshamhu, haafi.

Uchenjeri chinhu chikuru

Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu;

nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.

Zvirevo zvaSoromoni

Zvirevo zvaSoromoni:

Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,

asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.

Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

O amor de Deus por crianças

Deixai vir a mim as crianças. Jesus acolheu, abençoou e honrou as crianças como modelo de fé e humildade.

Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.

Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!

Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.

Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo,

saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.

Bênção e promessa

O Senhor te abençoe e te guarde. Os filhos dos justos serão abençoados e suas gerações caminharão na retidão.

" Jehovha akuropafadzei

uye akuchengetei;

Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu

uye akunzwirei tsitsi;

Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri

uye akupei rugare.’ "

Mwari ngaakupe dova rokudenga

noupfumi hwenyika,

zviyo zvakawanda newaini itsva.

Ndudzi ngadzikushumire

uye marudzi akupfugamire.

Uve ishe wehama dzako,

uye vanakomana vamai vako vakupfugamire.

Vaya vanokutuka ngavatukwe

uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe."

Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota,

nehova pamusoro pevhu rakaoma;

ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako,

nemikomborero yangu pamusoro pavana vako.

Vachamera souswa mudekete,

semiti yemikonachando pahova dzinoyerera.

Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,

uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.

"Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe,

usati waberekwa, ndakakutsaura;

ndakakugadza somuprofita kumarudzi."

Vachava vanhu vangu, ini ndichava Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwe namaitiro mamwe, kuitira kuti vagare vachinditya zvigovanakira ivo navana vavo vanovatevera.

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;

makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;

mabasa enyu anoshamisa,

ndinonyatsozviziva kwazvo.

Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,

pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.

Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

meso enyu akaona muviri usati waumbwa.

Mazuva ose andakarongerwa

akanga akanyorwa mubhuku renyu,

rimwe rawo risati ravapo.

Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri;

kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.

Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura,

asi handina kumboona vakarurama vachiraswa,

kana vana vavo vachipemha chingwa.

Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo;

vana vavo vacharopafadzwa.

Hatingazozvivanziri vana vavo;

tichaudza rudzi runotevera

mabasa angarumbidzwa aJehovha,

simba rake, nezvishamiso zvaakaita.

Vana vevana ikorona kune vakwegura,

uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka;

vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

Criação e obediência

Pais, criai vossos filhos na disciplina e instrução do Senhor. Filhos, obedecei a vossos pais — isto é justo e agradável a Deus.

Vana naVabereki

Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika."

Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.

Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi.

Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.

Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.

Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-