Publicidade

Fim do mundo

Por Bíblia Online

A Bíblia fala sobre o fim do mundo como evento certo e definitivo. Céus e terra passarão, mas as palavras de Jesus jamais passarão. A questão não é se, mas quando.

Os céus passarão

Os céus e a terra passarão, mas as palavras de Jesus permanecerão para sempre. O mundo presente é temporário.

Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

"Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo,

" zuva richasviba,

uye mwedzi hauzovheneki;

nyeredzi dzichawa kubva kudenga,

namasimba omuchadenga achazungunuswa.

Musi neNguva hazvizivikanwi

"Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.

Zuva neNguva Hazvizivikanwi

"Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.

O dia do Senhor

O dia do Senhor virá como ladrão. Os céus passarão com grande estrondo, e os elementos se dissolverão no fogo.

Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.

Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.

Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa.

Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge vachiti, "Rugare norunyararo," kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.

Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.

Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima. Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora. Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku. Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani. Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

Destruição e renovação

O Dia do Senhor trará juízo sobre os ímpios, mas também novos céus e nova terra onde habita a justiça.

Zuva Guru raJehovha

"Zuva guru raJehovha rava pedyo,

pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza.

Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza,

kuchema kwemhere ipapo.

Zuva iro richava rokutsamwa,

zuva rokudzungaira nokumanikidzwa,

zuva rokutambudzika nokuparadzwa,

zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima.

Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona.

Ndichauyisa kudzungaira pavanhu

uye vachafamba samapofu,

nokuti vakatadzira Jehovha.

Ropa ravo richadururwa seguruva,

uye nyama yavo sendove.

Sirivha yavo kana goridhe ravo

hazvingagoni kuvaponesa,

pazuva rokutsamwa kwaJehovha.

Mumoto wegodo rake

nyika yose ichaparadzwa,

nokuti achauyisa magumo pakarepo

kuna vose vanogara panyika."

Tarirai, zuva raJehovha riri kuuya,

zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa,

kuti nyika ive dongo

uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo.

Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa, uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba.

Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.

"Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa. Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa.

Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu."

Jerusarema Idzva

Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, "Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura."

Akanga agere pachigaro choushe akati, "Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!" Ipapo akati, "Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi."

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_12-11-46-