Graça
A graça de Deus é favor imerecido. Pela graça somos salvos, pela graça vivemos, pela graça somos sustentados. É o dom mais precioso de Deus — dado a quem não merece.
Salvos pela graça
Pela graça sois salvos, mediante a fé, e isto não vem de vós — é dom de Deus. Não por obras, para que ninguém se glorie.
Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.
Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji!
kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu.
Graça que capacita
A graça me basta, pois o poder se aperfeiçoa na fraqueza. Na graça, não estamos mais sob a lei, mas sob o favor de Deus.
Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha.
Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose!
akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,
Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose. Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino,
Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.
Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.
A graça de Deus
O Senhor é compassivo e gracioso, tardio em irar-se e grande em amor. Sua graça é nova a cada manhã.
Jehovha ane tsitsi nenyasha,
anononoka kutsamwa, azere norudo.
Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,
mazuva ose oupenyu hwangu,
uye ndichagara mumba maJehovha
nokusingaperi.
Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;
tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,
simbisai basa ramaoko edu.
Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,
ndiri pakadzika;
haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.
Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.
" ‘Jehovha akuropafadzei
uye akuchengetei;
Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu
uye akunzwirei tsitsi;
Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri
uye akupei rugare.’ "
Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;
anosimuka kuti akuratidzei tsitsi.
Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira.
Vakaropafadzwa vose vanomurindira!
Viver pela graça
A graça de nosso Senhor Jesus Cristo esteja convosco. Perdoando e confessando, experimentamos a graça restauradora.
Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.
Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.
"Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.
Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.
Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri,
asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.
Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri. Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema. Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose. Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.
Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti:
"Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria. Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona. Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri. Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari."
Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka. Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema. Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha.
Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri. Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuhwira vakadzikanda muMupata weKidhironi.
Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha. Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi. Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha. Kunyange vazhinji, pakati pavanhu ava vakabva kuEfuremu, Manase, Isakari neZebhuruni vakanga vasina kuzvichenesa, vakadya Pasika, zvichipikisana nezvakanga zvakanyorwa. Asi Hezekia akavanyengeterera achiti, "Jehovha, iye akanaka, ngaaregerere hake munhu wose anoisa mwoyo wake mukutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wamadzibaba ake kunyange zvake asina kucheneswa kana tichitevedza mitemo yapanzvimbo tsvene." Uye Jehovha akanzwa Hezekia akaporesa vanhu.
VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza.
Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Ipapo ungano yose yakabvumirana kutamba mutambo uyu kwamamwe mazuva manomwe; saka kwamamwe mazuva manomwe vakapemberera vachifara. Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa. Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha. Kwakava nomufaro mukuru kwazvo muJerusarema, nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri kwakanga kusina kumboitika zvakaita sezvizvi muJerusarema. Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara.