Guardar o coração
Guardar o coração é o mandamento mais urgente de Provérbios. Sobre tudo o que se deve guardar, guarda o teu coração, porque dele procedem as fontes da vida.
Sobre tudo, guarda o coração
O coração é a nascente de tudo — pensamentos, desejos, decisões. Guardá-lo é proteger toda a vida espiritual e emocional.
Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako,
nokuti ndicho chitubu choupenyu.
Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako
uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,
asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,
nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako,
uye nokubudirira.
Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
Coração puro e renovado
Cria em mim um coração puro, ó Deus. Os puros de coração verão a Deus — e o Espírito renova nosso interior.
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari,
uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,
nokuti vachaona Mwari.
Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu;
ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
Muone kana musina nzira yakaipa mandiri,
mugondifambisa munzira isingaperi.
Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei,
nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose,
uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
Kunyange mukaedza mwoyo wangu uye mukandiongorora usiku,
kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu;
ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza.
Kana ari mabasa avanhu,
neshoko remiromo yenyu,
ndakanzvenga nzira
dzouyo anoita nechisimba.
Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu;
tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu,
mwoyo wangu wakasimba;
ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.
Guardar com a Palavra
Não vos conformeis com este mundo. A Palavra de Deus guardada no coração nos protege do pecado e nos direciona.
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;
musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.
Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,
kuti ndirege kukutadzirai.
Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu.
akati kwavari, "Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu.
Vigilância e paz
A paz de Deus guarda nossos corações em Cristo Jesus. Chegai-vos a Deus, purificai os corações — e Ele estará convosco.
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.
Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.
Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.