Pular para o conteúdo
Publicidade

Homem de Deus

Por Bíblia Online

O homem de Deus é aquele que busca a justiça, a piedade, a fé e o amor. A Bíblia apresenta modelos de homens íntegros que andaram com Deus e marcaram a história.

Características do homem de Deus

O homem de Deus foge das paixões e segue a justiça, a piedade, a fé, o amor, a perseverança e a mansidão.

Pauro anorayira Timoti

Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro.

Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.

Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba. Itai zvinhu zvose murudo.

Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi.

Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri?

Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni,

nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

Exemplos bíblicos

Noé era justo e íntegro entre seus contemporâneos. Jó era homem reto que temia a Deus e se desviava do mal.

Iyi ndiyo rondedzero yezvaNoa.

Noa akanga ari munhu akarurama, asina chaanopomerwa pakati pavanhu venguva yake, uye akafamba naMwari.

Mavambo

Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa.

Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye.

Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi,

asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.

Viver como filho de Deus

Quem faz a vontade de Deus é eleito. Medite na Palavra e ande nos caminhos do Senhor como verdadeiro discípulo.

Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.

Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.

Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?

Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;

musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.

Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,

kuti ndirege kukutadzirai.

Imi munofanira kukudzwa, Jehovha;

ndidzidzisei mitemo yenyu.

Nemiromo yangu ndichataurazve

mirayiro yose inobva pamuromo wenyu.

Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu,

somunhu anofarira pfuma huru.

Ndinofungisisa zvirevo zvenyu,

uye ndinorangarira nzira dzenyu.

Ndinofarira mitemo yenyu;

handingakanganwi shoko renyu.

Gimeri

Akaropafadzwa munhu

asingafambi panorangana vakaipa,

asingamiri panzira yavatadzi,

asingagari pachigaro chavadadi.

Asi anofarira murayiro waJehovha,

uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,

unobereka michero yawo nenguva yawo,

uye mashizha awo haasvavi.

Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

Vakaipa havana kudaro!

Vakafanana nehundi

inopepereswa nemhepo.

Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa,

kana vatadzi paungano yavakarurama.

Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama,

asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.

Seja o primeiro