Honestidade
A honestidade é virtude cristã fundamental. Deus é Deus de verdade e nos chama a viver com integridade, transparência e retidão em todos os nossos relacionamentos e negócios.
Integridade diante de Deus
O Senhor abomina a balança falsa, mas o peso justo é seu prazer. A integridade dos justos os guia pelos caminhos retos.
Jehovha anovenga zviero zvinonyengera,
asi zviero zvakakwana zvinomufadza.
Unhu hwavakarurama hunovatungamirira,
asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.
Unhu hwavakarurama hunovatungamirira,
asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.
Ipapo uchanzwisisa zvakarurama,
kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
Kuita zvakarurama nokururamisira
zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.
Meso ako ngaatarire mberi bedzi,
ramba wakatarira mberi kwako.
Asi takaramba zvinhu zvakavanzika uye nenzira dzinonyadzisa; hatishandisi unyengeri, uye hatiminamisi shoko raMwari. Asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvireverera muhana yomunhu wose pamberi paMwari.
Nokuti tiri kuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu.
Praticar a honestidade
Falai a verdade, pagai o que deveis, não negueis ao próximo o bem. A honestidade prática é testemunho do evangelho.
Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake
Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.
Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.
Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.
Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo,
kana zviri musimba rako kuzviita.
Zviri nani kuva nezvishoma mukururama,
pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.
Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu,
asi kururama kunorwira parufu.
Confissão e transparência
Confessai as vossas ofensas uns aos outros. Quem confessa e deixa o pecado encontra misericórdia e restauração.
Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri,
asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.
Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. "Hongu" yenyu ngaive hongu, uye "Kwete" yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.
Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.
Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi.
Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
Coração puro
Bem-aventurados os puros de coração, porque verão a Deus. A honestidade começa no interior e se manifesta nas ações.
Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,
nokuti vachaona Mwari.
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere;
usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo,
pavanoita mano avo akaipa avakaronga.
Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji
uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.
Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari, somunhu anogamuchirwa, mushandi asingafaniri kunyadziswa uye anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
"Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe.
Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa,
asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko.
Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi,
asi chapupu chenhema chinoreva nhema.
Munhu akatsauka anomutsa kupesana,
uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.