Honrar os pais
Honrar pai e mãe é mandamento de Deus com promessa de vida longa e feliz. A Bíblia ensina que respeitar, obedecer e cuidar dos pais é dever sagrado dos filhos.
O mandamento com promessa
Honra a teu pai e a tua mãe para que vá bem contigo e vivas muito tempo sobre a terra. É o primeiro mandamento com promessa.
Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
Kudza baba vako namai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti mazuva ako ave mazhinji uye kuti zvigokuitira zvakanaka panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
"Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika."
Vana naVabereki
Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika." Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
Obedecer e respeitar
Filhos, obedecei a vossos pais no Senhor. Ouvir a instrução do pai e não desprezar o ensino da mãe traz sabedoria.
Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa
Yambiro pamusoro poUnyengeri
Mwanakomana wangu, teerera,
kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa
Yambiro pamusoro poUnyengeri
Mwanakomana wangu, teerera,
kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako
nouketani hunoshongedza mutsipa wako.
Uchenjeri chinhu chikuru
Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu;
nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.
Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake,
asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.
Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka,
uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
Jesu akavapindura achiti, "Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
Jesu akavapindura achiti, "Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu? Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’ Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari’, haachafaniri ‘kukudza baba vake’ nacho? Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.
Consequências da desonra
A Bíblia adverte severamente contra a desonra aos pais. Quem amaldiçoa ou agride os pais enfrenta consequências sérias.
Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake
mwanakomana anonyadzisa.
Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake,
mwenje wake uchadzimwa parima guru.
"Ziso rinotuka baba,
rinoshora kuteerera mai,
richanongorwa namakunguo omumupata,
richadyiwa namagora.
"Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
Kushaya Umwari paMazuva Okupedzisira
Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka,
Cuidar dos pais
Quem não cuida dos seus, principalmente de sua família, negou a fé. Honrar os pais inclui respeitar os idosos.
Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.
Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.
" ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
" ‘Unofanira kusimukira vachena bvudzi, ratidza rukudzo kuna vakuru uye utye Mwari wako. Ndini Jehovha.