Humildade
A humildade é o caminho da honra verdadeira. Deus resiste aos soberbos, mas dá graça aos humildes. Jesus lavou os pés dos discípulos e nos ensinou que o maior é aquele que serve.
Humilhar-se diante de Deus
Humilhai-vos diante do Senhor e Ele vos exaltará. Quem se humilha será exaltado, e quem se exalta será humilhado.
Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.
Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.
Jehovha akanaka uye akarurama;
naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.
Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama,
uye anovadzidzisa nzira yake.
Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi,
asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza,
asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Humildade como virtude
Considerai os outros como superiores a vós mesmos. Revesti-vos de humildade, mansidão e paciência no trato uns com os outros.
Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.
Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.
Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo.
Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.
Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.
O exemplo de Jesus
Aprendei de mim, que sou manso e humilde de coração. O maior entre vós seja o que serve — esse é o caminho do Reino.
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka."
"Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, "Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose."
Ipapo akati kwavari, "Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru."
Kuzvininipisa nokutya Jehovha
kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.
Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri,
uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.
Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo,
asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.
Humildade verdadeira
O que se exige de ti? Praticar a justiça, amar a misericórdia e andar humildemente com teu Deus.
Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi.
Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri?
Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni,
nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.
Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.
Akasarudza zvinhu zvepasi pasi zvenyika ino uye zvakazvidzwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashayise simba zvinhu zviripo, kuti kurege kuva nomunhu angazvikudza pamberi pake.
Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.