Ídolos
A Bíblia condena a idolatria com veemência. Um ídolo é qualquer coisa que ocupa o lugar de Deus no coração. Os cristãos são chamados a guardar-se dos ídolos e servir ao Deus vivo.
Guardai-vos dos ídolos
Filhinhos, guardai-vos dos ídolos. A cobiça é idolatria. Tudo que ocupa o trono de Deus no coração é um ídolo.
Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.
Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.
Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.
Musaita vamwari vapi zvavo kunze kwangu; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vegoridhe.
"Asi ndini Jehovha Mwari wako,
akakubudisa kubva muIjipiti.
Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu;
kana mumwe Muponesi kunze kwangu.
O único Deus verdadeiro
O Senhor é Deus nos céus e na terra — não há outro. Escolham hoje a quem servir, mas eu e a minha casa serviremos ao Senhor.
Zvizivei nokuzvichengeta mumwoyo nhasi kuti Jehovha ndiMwari ari kudenga kumusoro uye napanyika pasi. Hakunazve mumwe.
NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.
Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha."
Ko, hamuzivi here kuti vasakarurama havagari nhaka youmambo hwaMwari? Musanyengerwa: Nokuti mhombwe kana vanonamata zvifananidzo, kana zvifeve, kana varume vanoita zvoufeve, kana varume vanodanana navamwe varume, kana mbavha, kana vana madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
Vencer a idolatria
Não tenhas comunhão com as obras das trevas. Revesti-vos da armadura de Deus para resistir às ciladas do diabo.
Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.
Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa.
hapana munondo ucharwisana newe ukakunda,
uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva.
Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha,
uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;
tsvaka rugare uye urutevere.
Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro.