Incentivo
A Bíblia é fonte inesgotável de incentivo. Em cada página, Deus nos encoraja a não temer, a perseverar e a confiar que Ele está conosco e é maior que qualquer adversidade.
Deus é por nós
Se Deus é por nós, quem será contra nós? O Senhor fortalece, sustenta e guia seus filhos em cada batalha e desafio.
Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe;
usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako.
Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira;
ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
asi avo vane tariro muna Jehovha
vachavandudza simba ravo.
Vachabhururuka namapapiro samakondo;
vachamhanya vasinganeti;
vachafamba vasingaziyi.
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai."
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.
Esperança e perseverança
A tribulação produz perseverança, a perseverança produz caráter, e o caráter produz esperança que não decepciona.
Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro. Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.
Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.
Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.
"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."
Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
Jesu akati, "Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda."
Deus cuida de nós
Entrega o teu caminho ao Senhor. Lança sobre Ele as tuas ansiedades, porque Ele tem cuidado de nós diariamente.
Isa nzira yako kuna Jehovha;
uvimbe naye uye iye achaita izvi;
Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu,
anosimbisa mafambiro ake;
kunyange akagumburwa, haangawi,
nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
Kanda kufunganya kwako pana Jehovha
uye iye achakusimbisa;
haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.
Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu,
uye anondipindura.
Handizotyi makumi ezviuru
vakandikomba kuti vandirwise.
Futuro e promessas
Eu sei os planos que tenho para vocês — planos de paz e não de mal, para dar-lhes futuro e esperança.
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Jehovha Mwari wako anewe,
ndiye ane simba rokuponesa.
Achafadzwa zvikuru newe,
achakunyaradza norudo rwake,
achafara nokuda kwako nokuimba."
Jesu akavatarisa akati, "Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka."
Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:
"Hakuna ziso rakaona,
hakuna nzeve yakanzwa;
hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu,
zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda."
Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.