Intimidade com Deus
A intimidade com Deus é o maior privilégio do cristão. Ele nos convida a nos aproximar, a conhecê-lo profundamente e a desfrutar de comunhão diária com o Criador do universo.
Aproximar-se de Deus
Chegai-vos a Deus e Ele se chegará a vós. Deus deseja intimidade, não religiosidade. Ele busca os que o buscam de todo coração.
Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.
"Uyai imi mose mune nyota,
uyai kumvura zhinji;
nemi musina mari, uyai,
mutenge uye mudye!
Uyai mutenge waini nomukaka
pasina mari uye pasina mutengo.
Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya,
nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi?
Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka,
uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.
Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri;
ndinzwei kuti mweya yenyu irarame.
Ndichaita sungano isingaperi nemi,
iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.
Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi,
mutungamiri nomukuru wamarudzi.
Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva,
uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri,
nokuda kwaJehovha Mwari wako,
Mutsvene waIsraeri,
nokuti iye akakufukidza nokubwinya."
Tsvakai Jehovha achawanikwa:
danai kwaari achiri pedyo.
Vasati vadana ndichavapindura;
vachiri kutaura ndichavanzwa.
‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Sede de Deus
Como a corça deseja as correntes de água, assim a minha alma suspira por ti, ó Deus. A intimidade nasce do desejo profundo.
Senondo inodokwairira hova dzemvura,
saizvozvo mweya wangu unodokwairirai, imi Mwari.
Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu.
Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?
Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu,
ndinokutsvakai nomwoyo wose;
mwoyo wangu une nyota kwamuri,
muviri wangu unokupangai,
munyika yakaoma
uye yasakara isina mvura.
Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene,
uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.
Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu,
miromo yangu ichakurumbidzai.
Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu,
uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.
Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo;
muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo.
Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu;
ndinokufungai panguva dzose dzousiku.
Nokuti muri mubatsiri wangu,
ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu.
Mweya wangu unonamatira kwamuri;
ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa;
vachaburukira kwakadzika kwepasi.
Vachaiswa kumunondo
vagova zvokudya zvamakava.
Asi mambo achafara muna Mwari;
vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza,
asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.
Unidade com o Pai
Jesus orou pela unidade dos seus com o Pai. A intimidade com Deus inclui confissão, perdão e alegria na comunhão.
Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe: imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini.
Jehovha Mwari wako anewe,
ndiye ane simba rokuponesa.
Achafadzwa zvikuru newe,
achakunyaradza norudo rwake,
achafara nokuda kwako nokuimba."
Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.