Irrepreensível
Ser irrepreensível não é ser perfeito — é viver com integridade diante de Deus e dos homens. A Bíblia nos chama a buscar uma vida reta, pura e sem manchas visíveis de hipocrisia.
O padrão divino
Deus é perfeito e chama seus filhos à integridade. A palavra de Deus é purificada e Ele é escudo dos que caminham na retidão.
"Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;
shoko raJehovha harina charingapomerwa.
Ndiye nhoo
yavose vanovanda maari.
Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana;
shoko raJehovha harina charingapomerwa.
Ndiye nhoo
yavose vanovanda maari.
Vakaropafadzwa avo vane nzira isina chaingapomerwa,
vanofamba mumurayiro waJehovha.
Iye anofamba asina chaanopomerwa uye
anoita zvakarurama,
anotaura chokwadi zvichibva pamwoyo wake,
uye asina makuhwa parurimi rwake,
asingaitiri wokwake zvakaipa
uye asingatuki waagere naye,
Anochengetera vakarurama kukunda,
iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
Buscar a perfeição em Cristo
Todos tropeçamos em muitas coisas, mas o alvo é a maturidade. Cristo é a fonte da salvação eterna para todos os que lhe obedecem.
Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.
Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera
Jesu akati, "Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera."
Vida íntegra
Que a vossa alegria seja completa! Vivam em harmonia, sejam irrepreensíveis — transformados pela renovação da mente.
Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana.
Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.
Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.
Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.
Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:
Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,
haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,
asi akazviita chinhu pasina,
akatora chimiro chomuranda chaiye,
akaitwa somunhu.
Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,
akazvininipisa
uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.
Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,
uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,
kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,
mudenga napanyika uye napasi penyika,
uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe,
kuti Mwari Baba vakudzwe.
Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.
Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina. Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose. Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.
Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu. Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka. Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu. Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri. Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei. Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.
Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhitasi, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azondibatsira pane zvandaishayiwa. Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara. Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa. Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma. Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye, nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake panjodzi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.
Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.
Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo;
kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.
Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika;
ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.