Publicidade

Jovens

Por Bíblia Online

Deus tem planos maravilhosos para os jovens. A Bíblia os convida a consagrar a juventude ao Senhor, crescer em sabedoria e ser exemplo para todos em fé, palavra, conduta e amor.

Ninguém despreze a tua mocidade

Paulo exortou Timóteo: sê exemplo dos fiéis na palavra, no procedimento, no amor, no espírito, na fé e na pureza.

Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.

Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.

Vana naVabereki

Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika."

Vana naVabereki

Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,

Lembrar do Criador na juventude

Lembra-te do teu Criador nos dias da tua mocidade. A sabedoria ganha cedo produz frutos duradouros na vida inteira.

Rangarira Musiki wako

pamazuva ouduku hwako,

mazuva okutambudzika asati auya,

namakore asati aswedera pauchati,

"Handioni zvinofadza maari,"

Rangarira Musiki wako

pamazuva ouduku hwako,

mazuva okutambudzika asati auya,

namakore asati aswedera pauchati,

"Handioni zvinofadza maari,"

zuva nechiedza uye nomwedzi

nenyeredzi zvisati zvadzima,

uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura;

kana vatariri vemba vodedera,

navarume vakasimba vokotama,

kana vakuyi vorega nokuti vashoma,

uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere;

Fara zvako jaya, pauduku hwako,

uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako.

Tevera nzira dzomwoyo wako,

nezvose zvingaonekwe nameso ako,

asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi

Mwari achakusvitsa pakutongwa.

Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo

wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako,

nokuti uduku nesimba hazvina maturo.

Kuenda mberi hakuna maturo

Jaya murombo asi rakachenjera riri nani kupfuura mambo mutana ari benzi, asisazivi kuteerera kana achipiwa yambiro.

Força e promessa

Os jovens renovam suas forças quando esperam no Senhor. Deus levanta jovens com visões e sonhos para transformar o mundo.

Kunyange majaya anoneta uye anorukutika,

uye majaya anogumburwa agowa;

asi avo vane tariro muna Jehovha

vachavandudza simba ravo.

Vachabhururuka namapapiro samakondo;

vachamhanya vasinganeti;

vachafamba vasingaziyi.

Zuva raJehovha

"Uye mushure maizvozvo,

ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.

Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,

vatana venyu vacharota hope,

majaya enyu achaona zviratidzo.

Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi,

ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.

Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.

Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari. Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navanaDhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo.

Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo,

bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.

Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita,

kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.

Guardar o caminho

Como purificará o jovem seu caminho? Guardando-o segundo a tua Palavra. A Escritura na juventude guarda do pecado a vida inteira.

Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?

Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,

kuti ndirege kukutadzirai.

Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha,

ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.

majaya nemhandara,

vatana navana.

Ngavarumbidze zita raJehovha,

nokuti zita rake iye oga iguru;

kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga.

Mavambo: Chinangwa neDingindira

Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:

kuti uwane uchenjeri nokurayirwa;

nokunzwisisa mashoko enjere;

kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri

uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;

kuti vasina mano vapiwe uchenjeri,

jaya ripiwe ruzivo namano,

Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri,

uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.

Usabatana navaya vanonwa waini zhinji,

kunyange vaya vanokara nyama,

nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo,

uye hope dzichavapfekedza mamvemve.

Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka,

uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.

Coragem e vocação

Deus chamou jovens como Jeremias e Josué para grandes missões. A juventude não é desculpa — é oportunidade de servir poderosamente.

Ini ndikati, "Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu."

Asi Jehovha akati kwandiri, "Usati, Ndinongova mwana hangu.Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira," ndizvo zvinotaura Jehovha.

Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose. Ndichawanikwa nemi," ndizvo zvinotaura Jehovha, "uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai," ndizvo zvinotaura Jehovha, "uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa."

Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda. Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo. Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda."

Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti,

"Mwari anodzivisa vanozvikudza

asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa."

Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.

Ndinokunyorerai, madzibaba,

nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.

Ndinokunyorerai, imi majaya,

nokuti mune simba,

shoko raMwari rinogara mamuri,

uye makakunda iye akaipa.

Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo.

Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko

achiri mudiki.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-