Publicidade

Juízo

Por Bíblia Online

O juízo de Deus é manifestação de sua justiça e soberania. Ele julga o mundo, julga as nações e julga cada coração com perfeita equidade e misericórdia.

O juízo de Deus

Deus é juiz justo que prova os corações. Seu juízo é verdadeiro e alcança toda obra, secreta ou pública.

Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe

kusanganisira nezvakavanzika zvose,

zvakanaka kana zvakaipa.

Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.

"Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.

"Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya yokuti vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa. Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.

Zvapupu pamusoro paJesu

"Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo.

Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa: pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;

Jesu akati, "Inzwi iri harina kuuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu. Zvino ndiyo nguva yokutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino achadzingwa. Asi ini, pandinenge ndasimudzwa kubva panyika ino, ndichakwevera vanhu vose kwandiri."

Ipapo murume uya akati, "Ishe, ndinotenda," akabva amunamata.

Jesu akati, "Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu."

Prestando contas

Cada um prestará contas de si mesmo a Deus. O juízo começa pela casa de Deus e depois alcança os que não obedecem ao evangelho.

Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani. Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi. Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire.

Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake. Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari.

Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?

Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.

Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

"Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?

Justiça e redenção

O juízo de Deus é também redenção. Ele livrou Israel do Egito com juízos e salva os arrependidos pela cruz de Cristo.

"Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru.

"Nousiku ihwohwo ndichapfuura napakati peIjipiti ndigorova matangwe ose, zvose vanhu nezvipfuwo, uye ndichatonga vamwari vose veIjipiti. Ndini Jehovha.

Ndakakutadzirai imi, iyemi moga

nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu,

kuti munzi makarurama pamunotaura

uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.

Zioni rinonzwa rigofara uye misha yeJudha inofara nokuda kwezvamakatonga, imi Jehovha.

Vakaputsa zvose zvakavezwa

namatemo avo nembezo.

Vakapisira pasi nzvimbo yenyu tsvene;

vakamhura ugaro hweZita renyu.

Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita sokutinhira wavazhinji zhinji richiti:

"Hareruya!

Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,

nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kunoruramisira.

Akatonga chifeve chikuru

chakaodza nyika noupombwe hwacho.

Akatsiva paari ropa ravaranda vake."

Uyezve vakadanidzira vachiti:

"Hareruya!

Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri."

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-