Publicidade

Julgamento

Por Bíblia Online

O julgamento pertence a Deus. A Bíblia adverte contra o juízo precipitado entre irmãos e revela que Cristo é o juiz justo que julgará vivos e mortos com perfeita equidade.

Não julgueis

Jesus disse: não julgueis para que não sejais julgados. Com o juízo com que julgais, sereis julgados.

Kutonga Vamwe

"Usatonga kuti newewo urege kutongwa.

Kutonga Vamwe

"Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

Kutonga Vamwe

"Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

"Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? Ungati sei kuhama yako, Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

"Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?

Kutonga vamwe

"Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.

Kutonga vamwe

"Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.

Kutonga vamwe

"Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo. Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho."

Julgar com justiça

Quando precisar avaliar, julgue segundo a justa aparência. Não julgue pela carne, mas pelo Espírito e pela verdade.

Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama."

Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu. Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handisi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.

Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.

Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.

Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa.

Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa. Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.

Usava nechokuita nokupomerwa kwemhosva yenhema uye usatongera rufu munhu asina mhosva, kana munhu akatendeka, nokuti ini handizopembedzi munhu ane mhosva.

O tribunal de Cristo

Todos compareceremos diante do tribunal de Cristo para prestar contas. Cada um dará conta de si mesmo a Deus.

Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.

Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari. "Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

" Zvirokwazo noupenyu hwangu,ndizvo zvinotaura Ishe,

ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu;

rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ "

Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.

Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.

Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire.

Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira.

Kutonga kwaMwari kwakarurama

Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo.

Kutonga kwaMwari kwakarurama

Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here?

Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro.

Izvi zvichaitika pazuva iroro, Mwari raachazotonga zvakavanzika zvavanhu kubudikidza naJesu Kristu, sezvinoreva vhangeri rangu.

Upenyu muMweya

Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.

Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Deus é o juiz

O Senhor julgará o mundo com justiça. O juízo de Deus é verdadeiro e justo — Ele conhece todos os segredos do coração humano.

Jehovha anotonga nokusingaperi;

akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

Jehovha anotonga nokusingaperi;

akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

Achatonga nyika nokururama;

achatonga marudzi nokururamisira.

Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe

kusanganisira nezvakavanzika zvose,

zvakanaka kana zvakaipa.

"Ndichakatarisa,

"zvigaro zvoushe zvakagadzikwa,

uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake.

Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando;

bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru.

Chigaro chake chainganduma nomoto,

uye mavhiri acho ose aipfuta.

Rwizi rwomoto rwaiyerera,

ruchibuda pamberi pake.

Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira;

zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake.

Dare rakagara pasi,

mabhuku ndokuzarurwa.

Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.

Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku. Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.

Discernimento e graça

Temos um advogado junto ao Pai — Jesus Cristo. Não há condenação para os que estão em Cristo. Prove os espíritos.

Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama.

Edzai Mweya

Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika.

Naizvozvo, regai kutonga chinhu nguva isati yasvika; chimbomirai kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvakavanzwa murima uye acharatidza mifungo yemwoyo yavanhu. Panguva iyoyo mumwe nomumwe acharumbidzwa naMwari.

Kukwidzana kumatare edzimhosva pakati pavatendi

Kana mumwe wenyu ane mhosva nomumwe, angatsunga here kumukwirira kumatare avasakarurama pano kumukwirira kuvatsvene? Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here? Ko, hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa? Ko, kuzoti zvinhu zvoupenyu huno! Naizvozvo, kana mukapokana pamusoro pezvinhu zvakadai, gadzai savatongi kunyange vanhu vano kutenda kuduku vari mukereke. Ndinodaro kuti munyadziswe. Ko, pangashayikwa munhu akachenjera pakati penyu here anogona kutonga mhosva pakati pavatendi?

Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana muchazotonga nyika, ko, hamungagoni kutonga mhosva duku duku here? Ko, hamuzivi here kuti muchatonga vatumwa? Ko, kuzoti zvinhu zvoupenyu huno!

Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.

Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.

kana zvakadaro, ipapo Ishe anoziva kuti anonunura sei vanhu vake vanotya Mwari kubva pamiedzo uye kuti anobata sei vasakarurama kuti varangwe kusvikira pazuva rokutongwa.

Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri. Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?

Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. "Hongu" yenyu ngaive hongu, uye "Kwete" yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.

Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi achigumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose. Nokuti iye akati, "Usaita upombwe," ndiyewo akati, "Usauraya." Kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.

Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,

Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.

Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.

Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama navakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri.

hapana munondo ucharwisana newe ukakunda,

uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva.

Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha,

uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,"

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Mwoyo wangu unokushuvai pausiku;

mangwanani, mweya wangu unokupangai.

Kutonga kwenyu pakunouya panyika,

vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama.

Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.

Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari,

asi Jehovha anoyera mwoyo pachikero.

Kuita zvakarurama nokururamisira

zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.

Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.

Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.

Fara zvako jaya, pauduku hwako,

uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako.

Tevera nzira dzomwoyo wako,

nezvose zvingaonekwe nameso ako,

asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi

Mwari achakusvitsa pakutongwa.

Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.

Kutonga vamwe

"Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-