Ler a Bíblia
Ler a Bíblia é essencial para a vida cristã. A Escritura é lâmpada para os pés, alimento para a alma e espada do Espírito. O cristão que lê a Bíblia é transformado pela Palavra.
A importância de ler
Meditar na Palavra dia e noite traz prosperidade e bom sucesso. Ler a Bíblia ilumina o entendimento e fortalece a fé.
Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,
nechiedza chenzira yangu.
Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza;
kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.
Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei!
Ndinoufungisisa zuva rose.
Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,
nokuti inogara neni nguva dzose.
Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu,
nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.
Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?
Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.
Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;
musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.
Shoko renyu ndakariviga mumwoyo mangu,
kuti ndirege kukutadzirai.
A Escritura é inspirada
Toda a Escritura é útil para ensinar, corrigir e instruir em justiça. Examine as Escrituras — nelas encontramos a vida eterna.
Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.
Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti maari mune upenyu husingaperi. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu,
Nokuti zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti zvidzidzise isu, kuitira kuti, kubudikidza nokutsungirira nokukurudzira kwamagwaro, tive netariro.
Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa.
Estudar com diligência
Os bereanos eram mais nobres porque examinavam as Escrituras diariamente. O estudo dedicado da Bíblia produz maturidade espiritual.
Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo.
Nokuti Ezira akanga akazvipira kunzvera nokutevera Murayiro waJehovha, uye nokudzidzisa mitemo nemirayiro yawo muIsraeri.
Vakaverenga kubva muBhuku roMurayiro waMwari, vachiisa pachena nokutsanangura zvazvaireva kuitira kuti vanhu vanzwisise zvaiverengwa.
Jesu akapindura akati, "Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari?
Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.
Kunaka kwoUchenjeri
Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu,
ukachengeta mirayiro yangu mauri,
ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri
uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,
uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere
uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha
nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,
ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha
uye uchawana ruzivo rwaMwari.
Nokuti Jehovha anopa uchenjeri,
uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.