Língua
A língua tem poder de vida e de morte. A Bíblia compara a língua ao leme de um navio e à faísca que incendeia uma floresta. Dominar a língua é prova de maturidade espiritual.
O poder da língua
A morte e a vida estão no poder da língua. Quem a domina é varão perfeito, capaz de controlar todo o corpo.
Rurimi rune simba roupenyu norufu,
uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.
Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.
Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo. Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi. Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto. Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.
Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira neezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu, asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.
Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari. Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro. Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here? Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.
Palavras sábias
A língua branda quebra até ossos. A palavra certa no tempo certo é como maçãs de ouro em salvas de prata.
Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa,
uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.
Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo,
asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.
Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi,
asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.
Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi,
asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.
Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera,
uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
Disciplinar a fala
Quem guarda a boca e a língua guarda a sua alma de angústias. A religião sem controle da língua é vã.
Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
Ndakati, "Ndichangwarira nzira dzangu
nokuchengeta rurimi rwangu pachivi;
ndichaisa matomu pamuromo wangu
kana vakaipa vari pamberi pangu."
Ani naani wenyu anoda upenyu,
uye uchida kuona mazuva akawanda,
dzora rurimi rwako pane zvakaipa
nemiromo yako pakureva nhema.
Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri,
uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake;
tsoka dzake hadzitedzemuki.
Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu,
uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.
Shoko risati rava parurimi rwangu,
tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.
Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema,
nendimi dzinonyengera.
Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,
norurimi rumwe norumwe runozvikudza
ruchiti, "Tichakunda nendimi dzedu;
miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?"
Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo,
nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.
Toda língua confessará
Ao nome de Jesus todo joelho se dobrará e toda língua confessará que Jesus Cristo é Senhor, para glória de Deus Pai.
Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,
uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,
kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,
mudenga napanyika uye napasi penyika,
uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe,
kuti Mwari Baba vakudzwe.
Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere.
Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva."
Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu. Jehovha akati, "Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana."
Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta. Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.
Este artigo te tocou? Faça uma oração!
+581 estão orando agora.
Junte-se à corrente de oração.