Livramento
Deus é o grande Libertador. Através da Bíblia, vemos Deus livrando seu povo de inimigos, de perigos e da morte. Quem clama ao Senhor, Ele ouve e liberta.
Deus ouve e livra
Clamaram ao Senhor na sua tribulação, e Ele os livrou das suas angústias. O Senhor é refúgio e a salvação dos que nele confiam.
Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;
anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
Achadana kwandiri, uye ndichamupindura;
ndichava naye pakutambudzika,
ndichamurwira uye ndichamukudza.
Ndichati pamusoro paJehovha, "Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,
Mwari wangu, wandinovimba naye."
Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi
napadenda rinouraya.
Mwari wedu ndiMwari anoponesa;
kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha.
Nokuti makandirwira parufu,
uye netsoka dzangu pakugumburwa,
kuti ndifambe pamberi penyu
muchiedza choupenyu.
Nunurai vasina simba navanoshayiwa;
varwirei paruoko rwowakaipa.
Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei;
haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.
Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri
muchiri kuwanikwa;
zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira,
haingasviki kwavari.
Livramento poderoso
Deus livrou Daniel dos leões, os jovens hebreus do fogo e Israel do Egito. Seu braço não é curto para salvar.
Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa."
Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba,
kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba.
Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru.
Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo.
Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye.
Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu.
Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?"
Redenção e restauração
Todo aquele que invocar o nome do Senhor será salvo. Deus livra do pecado, da morte e de todo mal aqueles que se humilham diante dele.
nokuti "Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa."
Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’
uye kuti mumirire Mwanakomana wake anobva kudenga, uyo waakamutsa kubva kuvakafa, Jesu, anotinunura kubva pakutsamwa kuchauya.
kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.
Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
Jesu Anovimbisa Mweya Mutsvene
"Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai. Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,
Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.
Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.
Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!
Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari,
anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro;
anodzoserwazve kururama kwake naMwari.
Este artigo te tocou? Faça uma oração!
+581 estão orando agora.
Junte-se à corrente de oração.