Pular para o conteúdo
Publicidade

Mal

Por Bíblia Online

A existência do mal é realidade que a Bíblia confronta diretamente. Deus não é autor do mal, mas nos dá armas para vencê-lo e promete que o bem sempre prevalecerá.

Separar-se do mal

O temor do Senhor é aborrecer o mal. A Bíblia nos exorta a odiar o pecado, guardar os pés do mal e fugir de toda aparência maligna.

Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa;

ndinovenga kuzvikudza namanyawi,

maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.

Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa,

nokuti anorinda upenyu kwavanhu vake vakatendeka

uye anovarwira muruoko rwowakaipa.

Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu;

chivi ngachirege kunditonga.

shambai muzvinatse.

Bvisai mabasa enyu akaipa

pamberi pangu!

Regai kuita zvakaipa,

Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako;

itya Jehovha uvenge zvakaipa.

Izvi zvichava utano pamuviri wako

uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.

Vencer o mal com o bem

Não te deixes vencer do mal, mas vence o mal com o bem. A luz brilha nas trevas, e as trevas não prevalecem contra ela.

Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Rudo

Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.

Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo.

Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.

Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.

Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. Regai zvakaipa zvose.

Proteção contra o mal

Deus nos livra do mal e guarda nossos passos. Devemos nos revestir da armadura de Deus para resistir às forças das trevas.

Musatitungamirira mukuedzwa,

uye mutinunure kubva kuno wakaipa.

Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa.

Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,

iye acharinda upenyu hwako;

Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,

kubva zvino uye nokusingaperi.

Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.

Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.

"Mukutsamwa kwenyu, musatadza." Musarega zuva richivira muchakangotsamwa, uye musapa dhiabhori mukana.

Deus transforma o mal em bem

O que o mal pretendeu contra nós, Deus transformou em bem. Ele tira pureza da aflição e confessa a restauração dos arrependidos.

Imi makafunga kundiitira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuita zvakanaka kuti apedzise zviri kuitwa iye zvino, iko kuponeswa kwemweya mizhinji.

Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.

Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.

Akaenderera mberi achiti, "Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve, ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye zvinosvibisa munhu.’ "

Ruvengo runomutsa kupesana,

asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.

"Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha. Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.

Seja o primeiro

Este artigo te tocou? Faça uma oração!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.