Maria
Maria, mãe de Jesus, é honrada nas Escrituras como a mulher escolhida por Deus para trazer ao mundo o Salvador. Sua fé, humildade e obediência são exemplo para todos os cristãos.
A escolhida de Deus
O anjo Gabriel anunciou a Maria que ela seria mãe do Filho do Altíssimo. Ela respondeu com fé: 'Faça-se em mim segundo a tua palavra.'
Kuberekwa kwaJesu kunoziviswa
Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea, kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria. Mutumwa akasvika kwaari akati, "Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe."
Asi mutumwa akati kwaari, "Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi."
Kuberekwa kwaJesu Kristu
Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.
O Magnificat
Maria cantou: 'Minha alma engrandece ao Senhor!' Seu cântico exalta a misericórdia, o poder e a fidelidade de Deus.
Rwiyo rwaMaria
Maria akati:
"Mwoyo wangu unokudza Ishe
uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,
nokuti akanga ane hanya
nokuninipiswa kwomurandakadzi wake.
Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,
nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru,
zita rake idzvene.
Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya,
kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake;
akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo,
asi akasimudzira vanozvininipisa.
Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka,
asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.
Akabatsira muranda wake Israeri,
achirangarira kuva nengoni,
kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi,
kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu."
Saka Josefawo akakwidza achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi neworudzi rwake. Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri. Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika, akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.
Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make.
Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, "Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa, kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako."
Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, "Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo."
Iye akati, "Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?" Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo.
Mãe fiel até o fim
Maria acompanhou Jesus desde o nascimento até a cruz. Ela estava entre os discípulos no Pentecostes, fiel em oração.
Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, "Havachina waini."
Jesu akapindura akati, "Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana."
Mai vake vakati kuvaranda, "Itai zvose zvaanokuudzai."
Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, mununʼuna wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena. Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, "Mai, hoyu mwanakomana wenyu," uye kumudzidzi akati, "Ava mai vako." Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake.
Mai vaJesu naVanunʼuna Vake
Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze. Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, "Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze."
Iye akati, "Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?"
Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, "Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu! Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu."
Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanunʼuna vake havasi Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi? Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?"
Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake.
Este artigo te tocou? Faça uma oração!
+581 estão orando agora.
Junte-se à corrente de oração.