Marido e mulher
O casamento é aliança sagrada entre marido e mulher, instituída por Deus desde o Éden. A Bíblia define papéis complementares fundados em amor, respeito e fidelidade mútua.
Instituição divina
Deus criou homem e mulher e os uniu em uma só carne. O casamento é projeto divino que reflete o amor de Cristo pela Igreja.
Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake,
akamusika mumufananidzo waMwari;
akavasika murume nomukadzi.
Jehovha Mwari akati, "Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira."
Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
Akavapindura achiti, "Hamuna kuverenga here kuti kubva pakutanga Musiki akavaita munhurume nomunhukadzi, akati, ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba namai vake agobatanidzwa nomukadzi wake, vaviri ava vachava nyama imwe chete?’ Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa."
Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.
Papéis no casamento
O marido ama e a mulher respeita. Ambos se submetem voluntariamente a Deus e um ao outro, em parceria e unidade.
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa. Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,
Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.
Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.
Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu.
Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
Fidelidade e união
O casamento é honroso e deve ser preservado com fidelidade. O cordão de três dobras não se rompe facilmente.
Vaviri vari nani pano mumwe chete,
nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:
Kana mumwe akawira pasi,
shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare.
Asi ane nhamo munhu anowira pasi,
asina anomusimudza!
Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa.
Asi mumwe chete angadziyirwa sei?
Munhu mumwe chete angakurirwa simba,
asi vaviri vanozvidzivirira.
Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?
Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
Murume wake anovimba naye zvizere,
uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka,
uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki,
asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.
Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake,
asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.
Tsime rako ngariropafadzwe,
uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.
Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka,
mazamu ake ngaakufadze nguva dzose,
ugare uchigutswa norudo rwake.
Permanecer juntos
O que Deus uniu, o homem não separe. A Bíblia protege o casamento e orienta sobre convivência, perdão e perseverança conjugal.
Zvino pamusoro pezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kuwana mukadzi. Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake. Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndewomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndewomukadzi wakewo. Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.
Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake. Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake.
Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako?
Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso.
Kana murume achangobva kuwana, haafaniri kuendeswa kuhondo kana kupiwa rimwe basa zvaro rokuita. Kwegore rimwe chete anofanira kusununguka kuti agare pamba agofadza mukadzi wake waakawana.