O marido
A Bíblia define o papel do marido com clareza: amar a esposa como Cristo amou a Igreja, ser fiel, protetor e líder servo no lar.
Amar como Cristo amou
Maridos, amai vossas mulheres como Cristo amou a Igreja e se entregou por ela. O amor do marido deve ser sacrificial e incondicional.
Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo
Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.
Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,
Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe. "Mukutsamwa kwenyu, musatadza." Musarega zuva richivira muchakangotsamwa, uye musapa dhiabhori mukana. Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.
Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa. Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa. Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose. Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.
Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.
Fidelidade conjugal
O casamento é honroso e o leito conjugal é santo. O marido deve ser fiel à esposa da sua juventude em pensamento e ação.
Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
Inwa mvura pachirongo chako chaicho,
mvura inoerera patsime rako chairo.
Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here;
nzizi dzako dzemvura pazvivara?
Ngadzive dzako woga,
hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.
Tsime rako ngariropafadzwe,
uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.
Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka,
mazamu ake ngaakufadze nguva dzose,
ugare uchigutswa norudo rwake.
Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve?
Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.
Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa."
Murume ngaape mukadzi wake zvakafanira, uye nomukadzi adarowo kumurume wake. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndewomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndewomukadzi wakewo.
Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.
Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake. Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake.
Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.
Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.
Convivência com sabedoria
O marido sábio vive com a esposa com entendimento, dando-lhe honra como co-herdeira da graça. A união conjugal reflete Cristo e a Igreja.
Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.
Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.
Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka,
uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.
Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha."
Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima?
Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.