Publicidade

Meditação

Por Bíblia Online

A meditação na Palavra de Deus é prática espiritual essencial. Diferente da meditação oriental, a meditação bíblica é reflexão profunda sobre as Escrituras — ruminar a Palavra dia e noite.

Meditar na Palavra dia e noite

Bem-aventurado o homem que medita na lei do Senhor de dia e de noite. Ele é como árvore plantada junto a ribeiros de águas.

Akaropafadzwa munhu

asingafambi panorangana vakaipa,

asingamiri panzira yavatadzi,

asingagari pachigaro chavadadi.

Asi anofarira murayiro waJehovha,

uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.

Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei!

Ndinoufungisisa zuva rose.

Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu,

nokuti inogara neni nguva dzose.

Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu,

nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema.

Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru,

nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu.

Ndinofungisisa zvirevo zvenyu,

uye ndinorangarira nzira dzenyu.

Ndinofarira mitemo yenyu;

handingakanganwi shoko renyu.

Gimeri

nokuti ndinofarira mirayiro yenyu

nokuti ndinoida.

Ndinosimudzira maoko angu

kumirayiro yenyu yandinoda, uye ndinofungisisa zvirevo zvenyu.

Zayini

Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa;

ndakaisa tariro yangu pashoko renyu.

Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku,

kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu.

Frutos da meditação

A meditação produz entendimento, alegria e adoração. Quem medita na Palavra encontra direção, paz e renovação espiritual.

Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu

ngazvifadze pamberi penyu,

imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Muromo wangu uchataura nouchenjeri;

kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.

Ndicharangarira mabasa aJehovha;

hongu, ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare kare.

Ndichafungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndicharangarira mabasa enyu makuru.

Ndinorangarira mazuva akare kare;

ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.

Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,

tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.

Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose;

ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

Kurangarira kwangu ngakumufadze,

pandinofara muna Jehovha.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-