Publicidade

Medo da morte

Por Bíblia Online

O medo da morte é universal, mas Cristo o venceu. A Bíblia ensina que para quem crê, a morte perdeu o aguilhão — não é mais motivo de terror, mas porta para a eternidade com Deus.

Cristo venceu a morte

Jesus assumiu carne e sangue para, pela morte, destruir o que tinha o poder da morte e libertar os que viviam em escravidão pelo medo dela.

Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.

Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: "Rufu rwakamedzwa nokukunda."

"Kuripiko kukunda kwako iwe rufu?

Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?"

Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.

Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake.

A promessa da vida eterna

Quem ouve a Palavra e crê já passou da morte para a vida. O amor perfeito lança fora o medo, até o medo da morte.

"Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.

Jesu akati kwaari, "Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;

Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu."

"Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.

Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo.

Não temas

Jesus disse: não temais os que matam o corpo. No vale da sombra da morte, o Senhor está conosco como pastor e protetor.

Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.

Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,

handingatyi zvakaipa,

nokuti imi muneni;

tsvimbo yenyu nomudonzvo

wenyu zvinondinyaradza.

Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura."

Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.

Vose vanofamba mukururama

vanopinda murugare,

vanowana zororo pavanovata murufu.

nokuti "Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa."

Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

"Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose;

tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa."

Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-