Mentira
A mentira é condenada pela Bíblia como pecado grave. Deus é verdade, e quem mente se alinha com o pai da mentira. O cristão é chamado a falar a verdade em amor.
Deus odeia a mentira
Os lábios mentirosos são abominação para o Senhor. A Bíblia adverte que todo mentiroso terá parte no lago de fogo.
Jehovha anovenga miromo inotaura nhema,
asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.
Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri."
Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha,
zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:
meso anozvikudza,
rurimi runoreva nhema,
maoko anodeura ropa risina mhosva,
mwoyo unoronga mano akaipa,
tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,
chapupu chenhema chinodurura nhema,
uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake
Falar a verdade
Despojai-vos da mentira e falai a verdade cada um com o próximo. Cristo é a verdade, e nos chama a ser testemunhas fiéis.
Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe.
Jesu akapindura akati, "Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo.
Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa,
uye uyo anodurura manyepo achaparara.
Hakuna munhu anonyengera
achagara mumba mangu;
hakuna munhu anotaura nhema
achamira pamberi pangu.
Consequências da falsidade
A mentira destrói confiança e relacionamentos. As Escrituras alertam sobre os frutos amargos do engano e da falsidade.
Pfuma yakaunganidzwa norurimi
runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.
Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi,
asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.
Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa,
uye muromo unobata kumeso unoparadza.
Munoparadza vose vanoreva nhema;
vanoteura ropa navanhu vanonyengera,
Jehovha anovasema.
" ‘Usaba.
" ‘Usareva nhema.
" ‘Musanyengedzana.