Milagres de Jesus
Os Evangelhos registram dezenas de milagres realizados por Jesus — curas, ressurreições, domínio sobre a natureza e libertações. Cada milagre revelava sua divindade e compaixão.
Curas de cegos e surdos
Jesus devolveu a visão aos cegos e a audição aos surdos, manifestando seu poder sobre toda enfermidade e deficiência.
Jesu Anoporesa Mapofu Maviri neMbeveve
Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, "Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!"
Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, "Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?"
Vakapindura vakati, "Hongu, Ishe."
Ipapo akabata meso avo uye akati, "Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri." Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, "Onai kuti hapana achazviziva izvi." Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.
Mapofu Maviri Anosvinudzwa
Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera. Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!"
Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!"
Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, "Munoda kuti ndikuitireiko?"
Vakapindura vachiti, "Ishe, tinoda kuona."
Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.
Kuporeswa kweBofu paBhetisaidha
Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomurume akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. Akabata murume akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, "Pane zvauri kuona here?"
Iye akatarisa kumusoro akati, "Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba."
Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka. Jesu akamuendesa kumba achiti, "Usapinda mumusha."
Kuporeswa kwoMurume Aiva Matsi neMbeveve
Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori. Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kunyatsotaura, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu.
Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya. Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, "Efata!" (kureva kuti, "Dziuka!") Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka.
Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo. Vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo. Vakati, "Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure."
Bhatimeo Bofu Anosvinudzwa
Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha. Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, "Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!"
Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, "Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!"
Jesu akamira akati, "Mudanei." Saka vakadana murume uya bofu vakati, "Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana." Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.
Jesu akamubvunza akati, "Unoda kuti ndikuitirei?"
Murume uya bofu akati, "Rabhi, ndinoda kuona."
Jesu akati, "Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa." Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.
Bofu rinosvinudzwa
Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika. Vakamuudza kuti, "Jesu weNazareta ari kupfuura napano."
Iye akadanidzira achiti, "Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!"
Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, "Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!"
Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati, "Unoda kuti ndikuitireiko?"
Iye akapindura akati, "Ishe, ndinoda kuti ndione."
Jesu akati kwaari, "Chiona; kutenda kwako kwakuporesa." Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
Jesu Anoporesa Munhu Akaberekwa Ari Bofu
Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, "Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?"
Jesu akapindura akati, "Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika."
Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. Akati kwaari, "Enda undoshamba mudziva reSiroami" (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
Curas de paralíticos e enfermos
Paralíticos caminharam, leprosos ficaram limpos e todo tipo de doença foi curada pelo toque e pela palavra de Jesus.
Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, "Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa."
Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, "Ndinoda. Chinatswa!" Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake. Ipapo Jesu akati kwaari, "Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari."
Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, "Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa."
Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, "Munhu uyu ari kumhura Mwari!"
Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, "Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu? Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi." Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, "Simuka, tora bonde rako uende kumba." Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake.
uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, "Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?"
Akati kwavari, "Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata."
Akati kumurume uya, "Tambanudza ruoko rwako." Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.
Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.
Murume Akanga Ana Maperembudzi
Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, "Kana muchida, munogona kundinatsa."
Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, "Ndinoda. Chinatswa!" Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.
Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, "Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa."
Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vakafunga mumwoyo yavo vachiti, "Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?"
Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, "Seiko muchifunga zvinhu izvi? Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi." Akati kuna akanga akafa mutezo, "Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba." Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, "Hatina kumboona chinhu chakadai!"
Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, "Simuka umire pamberi pavanhu vose."
Ipapo Jesu akavabvunza akati, "Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?" Asi vakaramba vanyerere.
Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, "Tambanudza ruoko rwako." Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
Jesu Anonatsa Munhu Akanga Ana Maperembudzi
Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, "Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa."
Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, "Ndinoda, chinatswa!" Pakarepo maperembudzi akabva paari.
Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu. Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo.
Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, "Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa."
VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, "Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?"
Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, "Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu? Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi." Akati kumurume akanga akaoma mutezo, "Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba." Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora rukukwe rwaakanga avete parwuri akaenda kumba achirumbidza Mwari.
Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, "Simuka umire pamberi pavanhu vose." Saka iye akasimuka akamira ipapo.
Ipapo Jesu akati kwavari, "Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?"
Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, "Tambanudza ruoko rwako." Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka.
Kutenda kwoMukuru weZana
Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume. Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa. Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, "Murume uyu akafanira kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu." Naizvozvo Jesu akaenda navo.
Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzinoti kwaari, "Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita."
Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, "Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri." Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora.
uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka. Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, "Mai, masunungurwa pachirwere chenyu." Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari.
Jesu pamusha womuFarisi
Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo. Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe. Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, "Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?" Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.
Vanhu Gumi vanoporeswa Maperembudzi
Zvino ari munzira achienda kuJerusarema, Jesu akafamba achitevedza muganhu waiva pakati peSamaria neGarirea. Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, "Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!"
Akati achivaona, akati kwavari, "Endai munozviratidza kuvaprista." Uye pavaienda, vakabva vanatswa.
Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria.
Jesu akati, "Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?" Ipapo akati kwaari, "Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa."
Kuporeswa kwoMunhu paDziva reBhetesdha
Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, "Unoda kuporeswa here?"
Murwere akati, "Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira."
Ipapo Jesu akati kwaari, "Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe." Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba.
Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.
Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume. Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.
Jesu akati kwaari, "Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi." Mutariri wamambo akati, "Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa."
Jesu akapindura akati, "Enda hako. Mwanakomana wako achararama."
Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora. Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, "Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe."
Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, "Mwanakomana wako achararama." Saka iye neimba yake yose vakatenda.
Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.
A mulher com fluxo de sangue
Uma mulher que sofria há doze anos tocou a orla do manto de Jesus e foi curada instantaneamente pela sua fé.
Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake. Akati nechomumwoyo, "Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa."
Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, "Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa." Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, nokuti akati mumwoyo make, "Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa." Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa. Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma.
Jesu akati, "Ndianiko andibata?"
Vose vakati varamba kubvuma, Petro akati, "Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai."
Asi Jesu akati, "Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri."
Ipapo mukadzi akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera akasvikowira patsoka dzake. Pamberi pavanhu vose akamuudza kuti sei akanga amubata, uye kuti akanga apora sei pakarepo. Ipapo akati kwaari, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare."
Ressurreições
Jesus ressuscitou mortos — a filha de Jairo, o filho da viúva de Naim e Lázaro. Ele é Senhor sobre a morte.
Jesu Anomutsa Musikana Akanga Afa Uye Anoporesa Mukadzi Airwara
Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, "Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama." Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake.
Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere akati, "Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete." Asi vakamuseka. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.
Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake uye akamukumbirisa zvikuru achiti, "Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame." Saka Jesu akaenda naye.
Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.
Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. Akapinda akati kwavari, "Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete." Asi vakamuseka.
Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. Akamubata noruoko akati kwaari, "Tarita kumi!" (zvichireva kuti, "Musikana, ndinoti kwauri, muka!") Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.
"Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko? Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti:
" ‘Takakuridzirai hwamanda,
asi hamuna kutamba;
takaimba rwiyo rworufu,
uye hamuna kuchema.’
Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’ Mwanakomana woMunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi na"vatadzi".’ Asi uchenjeri hunoratidzwa navana vahwo vose."
Jesu Anozodzwa Mafuta noMukadzi Mutadzi
Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye. Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuhwira chearabhasta,
Ipapo murume ainzi Jairosi, mubati wesinagoge, akauya akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti auye kumba kwake nokuti mwanasikana wake akanga achingova mumwe oga, musikana aiva namakore anenge gumi namaviri, akanga ava kufa.
Jesu akati achiendako, vanhu vazhinji vakange vachamutsikirira.
Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, "Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi."
Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, "Usatya; tenda chete, achaporeswa."
Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye nababa namai vomwana. Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, "Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete."
Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa. Asi akamubata ruoko akati, "Mwanangu, muka!" Mweya wake wakadzokera maari, pakarepo akasimuka. Ipapo Jesu akavarayira kuti vamupe zvokudya. Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika.
Kufa kwaRazaro
Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, "Ishe, uya wamunoda ari kurwara."
Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, "Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo." Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri.
Ipapo akati kuvadzidzi vake, "Ngatidzokerei kuJudhea."
Vakati kwaari, "Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?"
Jesu akapindura akati, "Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino. Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza."
Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, "Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa."
Vadzidzi vake vakapindura vakati, "Ishe, kana akavata, achaita zviri nani." Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.
Saka ipapo akavataurira pachena akati, "Razaro afa,
Domínio sobre a natureza
Jesus acalmou a tempestade, andou sobre as águas e multiplicou pães. A natureza obedece à voz do seu Criador.
Jesu Anonyaradza Dutu
Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera. Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete. Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, "Ishe, tiponesei! Tava kunyura!"
Akavapindura achiti, "Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?" Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo.
Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, "Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!"
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, "Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya."
Jesu akapindura achiti, "Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye."
Ivo vakapindura vakati, "Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri."
Akati, "Uyai nazvo kuno kwandiri." Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.
Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, "Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira."
Vadzidzi vake vakapindura vachiti, "Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?"
Jesu akabvunza akati, "Mune zvingwa zvingani?"
Ivo vakati, "Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma."
Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.
Mutero womuTemberi
Jesu navadzidzi vake vakati vasvika muKapenaume, vateresi vomutemberi vakauya kuna Petro vakabvunza vachiti, "Ko, mudzidzisi wenyu haaripi mutero womutemberi here?"
Akapindura akati, "Hongu, anoripa."
Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, "Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?"
Petro akapindura akati, "Kuna vamwe." Jesu akati, "Saka vana vakasununguka. Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape."
Muonde Unosvava
Mangwanani-ngwanani, paakanga ari munzira achidzokera kuguta, akanzwa nzara. Akati aona muonde pedyo nomugwagwa, akatsaukira pauri asi haana kuwana chinhu pauri kunze kwamashizha. Ipapo akati kwauri, "Ngakurege kuva nemicherozve pauri!" Pakarepo muti uya wakabva wasvava.
Vadzidzi vakati vazviona, vakakatyamara, vakati, "Ko, muonde uyu wabva wasvava pakarepo sei?"
Jesu akapindura akati, "Ndinokuudzai chokwadi kuti kana mune kutenda uye musingakahadziki, hamungaiti zvaitwa kumuonde uyu chete, asi munogonawo kuti kugomo iri, ‘Enda undozvikanda mugungwa’ uye zvichaitika. Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera."
Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura. Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, "Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?"
Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, "Nyarara! Dzikama!" Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
Akati kuvadzidzi vake, "Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?"
Vakatya uye vakabvunzana vachiti, "Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!"
Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, "Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka. Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya."
Asi iye akapindura akati, "Imi vapei zvokudya."
Vakati kwaari, "Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?"
Akati, "Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa."
Vakati vazviona, vakati, "Zvishanu, nehove mbiri."
Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro. Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye neane makumi mashanu. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri. Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu.
Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura, asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzangaradzimu. Vakadanidzira, nokuti vose vakamuona vakatya.
Pakarepo akataura kwavari akati, "Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya." Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,
Vanhu Zviuru Zvina Vanopiwa Zvokudya naJesu
Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, "Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya. Kana ndikavaendesa vane nzara kumisha yavo, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure."
Vadzidzi vake vakati, "Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?"
Jesu akati kwavari, "Mune zvingwa zvinganiko?"
Vakati, "Zvinomwe."
Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo. Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu. Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu. Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,
Jesu Anonatsa Temberi
Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Ipapo akati kumuti, "Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve." Vadzidzi vake vakamunzwa achidaro.
Muonde Wakaoma
Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi. Petro akarangarira akati kuna Jesu, "Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!"
Jesu akapindura akati, "Ivai nokutenda muna Mwari. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu. Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako.
Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga
Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.
Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, "Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove."
Simoni akapindura akati, "Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure."
Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.
Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, "Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!" Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo.
Ipapo Jesu akati kuna Simoni, "Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu." Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.
Jesu Anonyaradza Dutu
Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, "Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa." Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba. Pavakanga vachifamba, akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru.
Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, "Tenzi, Tenzi, tava kunyura!"
Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo. Akabvunza vadzidzi vake akati, "Kutenda kwenyu kuripiko?"
Mukutya kwavo nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, "Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera."
Jesu Anonyaradza Dutu
Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, "Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa." Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba. Pavakanga vachifamba, akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru.
Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, "Tenzi, Tenzi, tava kunyura!"
Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo. Akabvunza vadzidzi vake akati, "Kutenda kwenyu kuripiko?"
Mukutya kwavo nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, "Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera."
Kuporeswa kwoMunhu Akanga Akabatwa noMweya Wakaipa
Vakasvika kunyika yavaGerase, iri mhiri kwegungwa reGarirea.
Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, "Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno."
Akavapindura akati, "Vapei imi zvokudya."
Ivo vakati, "Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava." Pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu.
Asi iye akati kuvadzidzi vake, "Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe." Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi. Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.
Jesu Anoshandura Mvura Ichiva Waini
Pazuva rechitatu muchato wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo, uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu. Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, "Havachina waini."
Jesu akapindura akati, "Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana."
Mai vake vakati kuvaranda, "Itai zvose zvaanokuudzai."
Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
Jesu akati kuvaranda, "Zadzai makate nemvura." Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
Ipapo akati kwavari, "Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo."
Vakaita saizvozvo. Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi akati, "Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino."
Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita.
Firipi akamupindura akati, "Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!"
Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati, "Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?"
Jesu akati, "Itai kuti vanhu vagare pasi." Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu. Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.
Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, "Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa." Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya.
Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru. Asi iye akati kwavari, "Ndini; musatya." Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
Jesu noKubatwa kweHove Zhinji
Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake, paGungwa reTibheriasi. Vakanga vakaungana ipapo vaiva vanaSimoni Petro, Tomasi (ainzi Dhidhimo), Natanieri aibva kuKana yeGarirea, vanakomana vaZebhedhi, pamwe chete navamwe vadzidzi vaviri. Petro akati kwavari, "Ndava kuenda kundoredza," uye ivo vakati, "Nesuwo tichaenda newe." Vakabuda vakapinda mugwa, asi usiku ihwohwo havana chavakabata.
Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu.
Akadanidzira kwavari akati, "Vana mune hove here?"
Vakapindura vakati, "Kwete."
Akati kwavari, "Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata." Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove.
Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, "NdiShe!" Simoni Petro paakangonzwa kuti, "NdiShe," akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura. Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviri. Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa.
Jesu akati kwavari, "Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva kubata."
Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombekombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka.
Libertações
Jesus expulsou demônios com autoridade. Os espíritos impuros não resistiam à sua palavra e saíam imediatamente.
Kutenda kwoMukuru weZana
Jesu akati apinda muKapenaume, mukuru wezana akauya kwaari achikumbira rubatsiro. Akasvikoti, "Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru."
Jesu akati kwaari, "Ndichauya kuzomuporesa."
Mukuru wezana akapindura akati, "Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita."
Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, "Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri. Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga. Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno."
Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, "Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita." Muranda wake akabva apora panguva iyoyo.
Kuporeswa kwaVarume Vaviri Vakanga Vakabatwa naMadhimoni
Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko. Vakadanidzira vachiti, "Munodeiko kwatiri, Mwanakomana waMwari? Mauya kuzotirwadzisa here iyo nguva yakatarwa isati yasvika?"
Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura. Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, "Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve."
Akati kwaari, "Endai!" Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni. Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo.
Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu. Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, "Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri."
Jesu naBheerizebhubhi
Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.
Kutenda kwoMukadzi muKenani
Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, "Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata."
Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, "Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri."
Akati kwavari, "Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete."
Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, "Ishe, ndibatsireiwo!"
Akapindura akati, "Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa."
Mukadzi uya akati, "Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo."
Ipapo Jesu akapindura akati, "Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa." Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.
Kuporeswa kwoMukomana Aiva neDhimoni
Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, "Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura. Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa."
Jesu akapindura akati, "Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri." Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo.
Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, "Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!"
Jesu akarayira akati, "Nyarara! Buda maari!" Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.
Kuporeswa kwoMurume Akanga Akabatwa naMadhimoni
Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase. Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, "Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!" Nokuti Jesu akanga ati kwaari, "Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!"
Ipapo Jesu akamubvunza akati, "Zita rako ndiwe ani?"
Akapindura akati, "Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji." Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi. Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, "Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri." Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.
Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari), ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho. Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro."
Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, "Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi. Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’
Rutendo rwoMukadzi wokuFonishia
Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza. Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake. Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake.
Jesu akati kwaari, "Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo."
Iye akapindura akati, "Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani."
Ipapo akati kwaari, "Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako."
Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.
Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, "Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve. Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita."
Jesu akati, "Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri."
Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.
Jesu akabvunza baba vomukomana akati, "Ane nguva yakadii achiita izvi?"
Vakapindura vakati, "Kubva pauduku hwake. Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire."
Jesu akati, "Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda."
Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, "Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!"
Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, "Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari."
Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, "Afa." Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.
Jesu Anoporesa Vazhinji
Jesu akabva pasinagoge akaenda kumba kwaSimoni. Zvino mai vomukadzi waSimoni vairwara nefivha, uye vakakumbira Jesu kuti avabatsire. Saka akakotamira kwavari akarayira fivha, ikabva pavari. Vakasimuka pakarepo vakatanga kuvashandira.
Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomurume akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Murume uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva. Akati aona Jesu, akadanidzira akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, "Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!" Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani obva aendeswa nedhimoni kurenje.
Jesu akamubvunza akati, "Zita rako ndiwe ani?"
Akapindura akati, "Regioni," nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari. Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kugomba rakadzika.
Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera. Madhimoni akati abuda mumunhu uyo akandopinda munguruve, uye boka renguruve rakamhanyira kumawere kugungwa rikanyuramo.
Vaifudza nguruve vakati vaona zvakanga zvaitika, vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomuruwa, uye vanhu vakabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu vakawana murume akanga abuda madhimoni maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka uye ava munhu kwaye, vakatya.
Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona umambo hwaMwari."
Kubwinya kwaJesu paGomo
Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera. Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni. Varume vaviri, Mozisi naEria, vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema.
Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye. Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, "Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria." Akanga asingazivi zvaaireva.
Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, "Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona."
Jesu akapindura akati, "Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu."
Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.
Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,
Jesu naBheerizebhubhi
Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.
Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.
Asi Jesu akapindura achiti, "Zvaringana!" Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.
Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, "Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda. Asi makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinokuudzai, uyewo anokunda muprofita. Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi:
" ‘Ndichatuma nhume yangu pamberi pako,
uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’
Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari."
Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani. Asi vaFarisi nenyanzvi dzomurayiro vakaramba kuda kwaMwari pamusoro pavo, nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.