Misericórdia
A misericórdia de Deus é eterna e inesgotável. Ele se compadece dos que sofrem, perdoa os arrependidos e derrama graça sobre os que não merecem. Grande é a sua fidelidade.
A misericórdia de Deus
Quem é Deus como tu, que perdoa a iniquidade? Ele se deleita em ter misericórdia e não retém a ira para sempre.
Ndiani Mwari akaita semi,
anoregerera chivi uye anokanganwira
kudarika kwavakasara venhaka yake?
Hamugari makatsamwa nokusingaperi,
asi munofarira kunzwira ngoni.
Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari,
nokuda kworudo rwenyu rusingaperi;
dzimai kudarika kwangu
nokuda kwengoni dzenyu huru.
Shambidzai zvakaipa zvangu zvose
uye mundinatse kubva pachivi changu.
Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo,
nokuti zvakabvira kare.
Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu,
nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo;
ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu,
nokuti makanaka, imi Jehovha.
Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,
ndiri pakadzika;
haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.
Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.
Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha;
rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.
Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,
mazuva ose oupenyu hwangu,
uye ndichagara mumba maJehovha
nokusingaperi.
Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo,
saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
Graça e perdão
Onde o pecado abundou, superabundou a graça. Deus convida todos ao arrependimento e promete perdão total aos que confessam.
Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji!
Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose!
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
Asi iye akati kwandiri, "Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera." Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.
Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri,
asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.
Akashata ngaasiye nzira yake,
nomunhu akaipa mirangariro yake.
Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni,
nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.
Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;
anosimuka kuti akuratidzei tsitsi.
Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira.
Vakaropafadzwa vose vanomurindira!
Misericórdia e compaixão
Misericórdia quero e não sacrifício. Deus nos chama a ser misericordiosos como Ele é, perdoando e acolhendo o próximo.
Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi."
Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, "Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?"
Jesu akapindura akati, "Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.
Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.
Asi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvaparadza kana kuvarasa, nokuti muri Mwari ane nyasha netsitsi.
Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji
uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.
Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;
tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,
simbisai basa ramaoko edu.
Acessar a misericórdia
Cheguemos com confiança ao trono da graça. Ali encontramos misericórdia e graça para socorro no tempo oportuno.
Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.
Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.
"Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.
Nokuti makapiwa imi, nokuda kwaKristu, kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake,
Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri. Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema. Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose. Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.
Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti:
"Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria. Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona. Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri. Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari."
Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka. Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema. Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha.
Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri. Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuhwira vakadzikanda muMupata weKidhironi.
Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha. Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi. Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha. Kunyange vazhinji, pakati pavanhu ava vakabva kuEfuremu, Manase, Isakari neZebhuruni vakanga vasina kuzvichenesa, vakadya Pasika, zvichipikisana nezvakanga zvakanyorwa. Asi Hezekia akavanyengeterera achiti, "Jehovha, iye akanaka, ngaaregerere hake munhu wose anoisa mwoyo wake mukutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wamadzibaba ake kunyange zvake asina kucheneswa kana tichitevedza mitemo yapanzvimbo tsvene." Uye Jehovha akanzwa Hezekia akaporesa vanhu.
VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza.
Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
Ipapo ungano yose yakabvumirana kutamba mutambo uyu kwamamwe mazuva manomwe; saka kwamamwe mazuva manomwe vakapemberera vachifara. Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa. Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha. Kwakava nomufaro mukuru kwazvo muJerusarema, nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri kwakanga kusina kumboitika zvakaita sezvizvi muJerusarema. Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara.
"Kana murume akaramba mukadzi wake,
iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume,
murume uyu angadzokerazve kwaari here?
Ko, nyika haingasvibiswi here?
Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji,
zvino ungadzokera kwandiri here?"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone.
Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve?
Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba,
wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje.
Wakasvibisa nyika noufeve hwako
uye nezvakaipa zvako.
Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha,
uye nemvura yomuchirimo haina kunaya.
Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti,
‘Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu,
muchagara makatsamwa here?
Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’
Aya ndiwo matauriro ako,
asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita."
Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, "Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo. Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona. Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve. Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda. Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jehovha akati kwandiri, "Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka. Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti,
" ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,
‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri,
nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,
‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi.
Imi zivai mhosva yenyu chete,
kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu,
mukafadza vamwari
vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira,
uye hamuna kunditeerera,’ "
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Dzokai, imi vanhu vokusatenda," ndizvo zvinotaura Jehovha, "nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni. Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa. Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika," ndizvo zvinotaura Jehovha, "vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve. Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.
"Ini pachangu ndakati,
" ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu
uye ndichikupai nyika inoyevedza,
iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’
Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’
mukasazotsauka pakunditevera.
Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake,
saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti,
iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri,
nokuti vakaminamisa nzira dzavo
uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo.
"Dzokai, imi vanhu vokusatenda;
ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure."
"Hongu, tichauya kwamuri,
nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.
Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo,
napamakomo unyengeri;
zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu
ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.
Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya
zvibereko zvamabasa amadzibaba edu,
makwai avo, nemombe dzavo,
vanakomana navanasikana vavo.
Ngativatei pasi munyadzi dzedu,
uye kunyara kwedu ngakutifukidze.
Takatadzira Jehovha Mwari wedu,
isu tose namadzibaba edu;
kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi
hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu."