Publicidade

Morte de Jesus

Por Bíblia Online

A morte de Jesus é o sacrifício supremo do amor de Deus. Na cruz, o Cordeiro de Deus carregou os pecados do mundo, satisfez a justiça divina e abriu o caminho da salvação para todos.

O sacrifício na cruz

Jesus disse: 'Está consumado!' Na cruz, Ele cumpriu toda a lei, pagou o preço do pecado e reconciliou a humanidade com Deus.

Kufa kwaJesu

Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, "Ndava nenyota." Pakanga pane mudziyo waiva nevhiniga ipapo, saka vakanyika chipanje imomo, vakaisa chipanje pachitanda chehisopi, vakachisimudzira kumuromo waJesu. Akati anwa Jesu akati, "Zvapera." Nokudaro, akakotamisa musoro wake uye akabudisa mweya wake.

Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi.

Vakataurirana vakati, "Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora."

Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti:

"Vakagovana nguo yangu pakati pavo

uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu."

Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi.

Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, mununʼuna wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena. Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, "Mai, hoyu mwanakomana wenyu," uye kumudzidzi akati, "Ava mai vako." Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake.

Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake. Jesu akati, "Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita." Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.

Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, "Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa."

Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga vakati, "Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa."

Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: uyu ndiye mambo wavajudha.

Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, "Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!"

Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, "Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko? Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita."

Ipapo akati, "Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu."

Jesu akamupindura akati, "Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso."

Kufa kwaJesu

Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, "Eroi, Eroi, rama sabhakitani?" zvinoreva kuti "Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?"

Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.

Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, "Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!"

Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu,

akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu;

kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake,

uye namavanga ake takaporeswa.

Isu tose takanga takarasika samakwai,

mumwe nomumwe nenzira yake,

asi Jehovha akaisa pamusoro pake

kuipa kwedu tose.

Akamanikidzwa uye akarwadziswa,

asi haana kushamisa muromo wake;

akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa,

uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro,

saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

Imbwa dzakandikomba;

boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza,

vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.

Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose;

vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.

Vanogovana nguo dzangu pakati pavo

uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.

Vose vanondiona vanondiseka;

vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,

"Anovimba naJehovha;

Jehovha ngaamununure.

Ngaamuponese,

sezvo achimufarira."

O amor que se entrega

Ninguém tem maior amor do que aquele que dá a vida pelos amigos. Deus prova seu amor em que Cristo morreu por nós quando ainda éramos pecadores.

Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.

"Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.

Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa!

Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu.

Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.

Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu,

akazvininipisa

uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.

Morte e ressurreição

Jesus morreu e ressuscitou, e a morte não mais tem domínio sobre Ele. Pelo batismo, participamos de sua morte e ressurreição.

Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari.

Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake? Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.

Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.

"Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu. Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.

"Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.

Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-28_14-13-17-