Não desista!
'Não desista!' é o grito do céu para a terra. Deus nos encoraja a perseverar na fé, na oração e na esperança, porque a vitória pertence aos que não se rendem.
Força na fraqueza
Os que esperam no Senhor renovam as forças. Deus não se cansa nem se fatiga — Ele dá poder aos fracos e vigor aos cansados.
Hauzivi here?
Hauna kunzwa here?
Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi,
Musiki wamagumo enyika.
Haaneti kana kuziya,
uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.
Anopa simba kuna vakarukutika,
uye anowedzera simba kuna vasina simba.
Kunyange majaya anoneta uye anorukutika,
uye majaya anogumburwa agowa;
asi avo vane tariro muna Jehovha
vachavandudza simba ravo.
Vachabhururuka namapapiro samakondo;
vachamhanya vasinganeti;
vachafamba vasingaziyi.
Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai.
Muponesi waIsraeri Mumwe Oga
Asi zvino, zvanzi naJehovha,
iye akasika iwe Jakobho,
iye akakuumba iwe Israeri:
"Usatya, nokuti ndakakudzikinura;
ndakakudana nezita rako; uri wangu.
Paunopfuura nomumvura zhinji
ini ndichava newe;
uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri.
Paunofamba nomumoto, haungazotsvi;
murazvo haungazokupisi.
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,
Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako;
ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako,
Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.
Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
Perseverança na fé
Não perca a confiança, pois ela tem grande recompensa. O justo viverá pela fé, e quem perseverar até o fim será salvo.
Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru.
Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka. Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.
Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.
Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako.
Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanoramba vakatendeka kuna Jesu.
Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
Deus é refúgio
O Senhor é nosso refúgio e fortaleza. Ele ouve nossas orações, nos consola nas tribulações e transforma choro em dança.
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,
ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.
Kanda kufunganya kwako pana Jehovha
uye iye achakusimbisa;
haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.
Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,
nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,
nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
Avo vanodyara nemisodzi
vachakohwa nenziyo dzomufaro.
Uyo anobuda achichema,
akatakura mbeu yokudyara,
achadzoka nenziyo dzomufaro,
akatakura zvisote.
Simbai uye mutsunge mwoyo,
imi mose munorindira Jehovha.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,
nechiedza chenzira yangu.
Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya;
anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.
Vitória em Cristo
Jesus venceu o mundo e nos dá vitória. Para Deus nada é impossível, e Ele faz infinitamente mais do que pedimos ou pensamos.
"Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika."
Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.
Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, "Nemiwo hamusi kuda kuenda here?"
Simoni akati, "Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi. Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari."
Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.
Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai
"Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.
"Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka."
Jesu akavatarisa akati, "Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka."
Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari."
Esperança e transformação
O Senhor completa a boa obra que começou em nós. Ele faz novas todas as coisas e dá esperança para o futuro.
ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
Jerusarema Idzva
Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, "Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo. Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura."
Jehovha akanaka,
utiziro panguva dzokutambudzika.
Anochengeta avo vanovimba naye,
Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro."
Permanecendo firme
Persevere na oração, firme-se na Palavra e fortaleça-se na graça de Cristo. A fé vem pelo ouvir, e o ouvir pela Palavra de Deus.
Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, "Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira," ndizvo zvinotaura Ishe.
Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
Vakundi nokupfuurisa
Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.
Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.
Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu. Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri.
Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka.
Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.
Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa. Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.
Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.