Não temas
'Não temas' é uma das frases mais repetidas na Bíblia. Deus a pronuncia nos momentos de maior temor, lembrando que sua presença e poder são maiores que qualquer ameaça.
Deus está contigo
Não temas, porque eu sou contigo. Deus repete essa promessa em cada crise, guerra e desafio que seus filhos enfrentam.
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe;
usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako.
Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira;
ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,
anobata ruoko rwako rworudyi
achiti kwauri, Usatya;
ndichakubatsira.
Usatya Jakobho iwe honye,
iwe mudiki Israeri,
nokuti ini iyeni ndichakubatsira," ndizvo zvinotaura Jehovha,
Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri.
Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka,
kwirai pagomo refu.
Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka,
danidzirai nesimba, musatya;
muti kumaguta eJudha, "Hoyu Mwari wenyu!"
Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda."
Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai."
Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti:
"Usatya, Abhurama.
Ndiri nhoo yako,
mubayiro wako mukuru chaizvo."
Coragem diante do perigo
Não tenhas medo — o Senhor teu Deus está no meio de ti, poderoso para salvar. Ele luta por nós e dá forças aos medrosos.
Pazuva iro vachati kuJerusarema,
"Usatya, iwe Zioni;
usarega maoko ako achishayiwa simba.
Jehovha Mwari wako anewe,
ndiye ane simba rokuponesa.
Achafadzwa zvikuru newe,
achakunyaradza norudo rwake,
achafara nokuda kwako nokuimba."
Muprofita akapindura akati, "Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari."
Ipapo Erisha akanyengetera akati, "Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone." Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha.
Usatya iwe nyika;
fara zvako upembere.
Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
Asi Jehovha akati kwandiri, "Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Humwe usiku Ishe akataura naPauro muchiratidzo akati, "Usatya; ramba uchingotaura, usanyarara. Nokuti ndinewe, uye hakuna munhu achakurwisa akakukuvadza, nokuti ndina vanhu vazhinji muguta rino."
Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira. Unofanira kutaura mashoko angu kwavari kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera, nokuti ivo vanondimukira.
Fé que vence o medo
O medo não vem de Deus. Jesus disse: não temas, crê somente! A fé dissipa o medo e nos conecta ao poder de Deus.
Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, "Usatya; tenda bedzi."
Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.
Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.
Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, "Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.
Asi mutumwa akati kwaari, "Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.
Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, "Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!"