Publicidade

Nascimento

Por Bíblia Online

O nascimento é obra das mãos de Deus. Cada criança é formada por Ele no ventre materno com propósito e amor. A Bíblia celebra a vida desde a concepção até a eternidade.

O nascimento de Jesus

O maior nascimento da história mudou o curso da humanidade. Jesus nasceu de uma virgem pelo poder do Espírito Santo, conforme as profecias.

Kuberekwa kwaJesu Kristu

Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene. Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.

Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, "Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene. Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo."

Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti: "Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, Mwari anesu.’ "

Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake, asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri.

Kuberekwa kwaJesu kunoziviswa

Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea, kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.

Asi mutumwa akati kwaari, "Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi."

Maria akabvunza mutumwa akati, "Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?"

Mutumwa akapindura achiti, "Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.

Formados desde o ventre

Deus nos teceu no ventre de nossa mãe. Antes de nascermos, Ele já nos conhecia e nos separou para um propósito sagrado.

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;

makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;

mabasa enyu anoshamisa,

ndinonyatsozviziva kwazvo.

Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,

pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.

Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

meso enyu akaona muviri usati waumbwa.

Mazuva ose andakarongerwa

akanga akanyorwa mubhuku renyu,

rimwe rawo risati ravapo.

"Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe,

usati waberekwa, ndakakutsaura;

ndakakugadza somuprofita kumarudzi."

Asi ndimi makandibudisa mudumbu;

mukaita kuti ndivimbe nemi

ndichiri pachipfuva chamai vangu.

Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri;

kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.

Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu;

ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu.

Ndicharamba ndichikurumbidzai.

"Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo,

uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here?

Kunyange hazvo ivo vakakanganwa,

ini handizokukanganwi!

Ndingasvitsa panguva yokubereka

ndikasaberekesa here?" ndizvo zvinotaura Jehovha.

"Ko, ndinozarira chizvaro

pandinoberekesa here?" ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

Crianças — bênção e promessa

Jesus acolheu as crianças e disse: delas é o Reino dos céus. Os filhos são herança do Senhor e motivo de alegria para os pais.

Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."

Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.

"Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.

Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira.

Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha;

ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

Nascer de novo

Jesus ensinou que é preciso nascer de novo para ver o Reino de Deus. O novo nascimento é espiritual — pelo Espírito e pela Palavra.

Jesu akapindura akati, "Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva."

Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.

Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari.

Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;

taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-