Nem só de pão vive o homem
'Nem só de pão vive o homem' — essa declaração de Jesus ao diabo no deserto revela que a Palavra de Deus é o verdadeiro alimento que sustenta a vida em plenitude.
O verdadeiro alimento
Quando tentado a transformar pedras em pão, Jesus respondeu com a Escritura: a vida humana depende de toda palavra que sai da boca de Deus.
Jesu akapindura akati, "Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ "
Satani akati kwaari, "Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa."
Jesu akapindura akati, "Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ "
Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha.
Jesus, o pão vivo
Jesus é o pão da vida que desceu do céu. Quem come deste pão viverá para sempre. Ele é o sustento que satisfaz a fome da alma.
Ipapo Jesu akataura achiti, "Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Ndini chingwa choupenyu.
Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika."
Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi."
Buscar o Reino acima de tudo
Não andeis ansiosos pelo que comer ou beber. Buscai primeiro o Reino de Deus, e todas estas coisas vos serão acrescentadas.
Musafunganya
"Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?
Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo. Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.
Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, "Rabhi, imbowanai chamungadya."
Asi iye akati kwavari, "Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi."
Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, "Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?"
Jesu akati kwavari, "Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
Kunyange dai muonde ukasatunga maruva,
uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko,
kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona,
uye minda ikasabereka zvokudya,
kunyange dai kukasava namakwai muchirugu
uye mombe dzikashayikwa mumatanga,
kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha,
ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.
Ishe Jehovha ndiye simba rangu;
anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo,
anondifambisa pamatunhu akakwirira.
Kumutungamiri wokuimba, nemitengeranwa yangu.