Nova aliança
A Nova Aliança é o pacto de graça que Deus estabeleceu através de Jesus Cristo. Diferente da antiga, ela é escrita no coração, mediada pelo sangue de Cristo e acessível a todos.
A profecia da Nova Aliança
Jeremias profetizou uma aliança nova em que Deus escreveria sua lei no coração do povo. Essa promessa se cumpriu em Cristo.
"Nguva inouya," ndizvo zvinotaura Jehovha,
"yandichaita sungano itsva
neimba yaIsraeri
uye neimba yaJudha.
Haingazofanani nesungano
yandakaita namadzitateguru avo,
pandakavabata ruoko
kuti ndivabudise munyika yeIjipiti,
nokuti vakaputsa sungano yangu,
kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri
shure kwamazuva iwayo," ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo
uye ndigounyora mumwoyo yavo.
Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake
kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’
nokuti vose vachandiziva,
kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo,
uye handingarangaririzve zvivi zvavo."
Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani.
Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano.
Nokuti akati sungano iyi "itsva," ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.
Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.
Selada com sangue
Jesus instituiu a Nova Aliança na Última Ceia: 'Este cálice é a nova aliança no meu sangue.' Seu sacrifício é definitivo e perfeito.
Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, "Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.
Ipapo akatora mukombe, akavonga uye akavapa achiti, "Inwai mose. Iri iropa rangu resungano itsva rinodururirwa vazhinji kuti vagoregererwa zvivi zvavo.
Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu!
Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga.
Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapowo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita, nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu. Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa. Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu. Akati, "Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete."
Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe. Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga, nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
Reconciliação e vida nova
Pela Nova Aliança somos reconciliados com Deus, trazidos para perto pelo sangue de Cristo e feitos embaixadores da reconciliação.
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari. Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu.
Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi "vasina kudzingiswa" naavo vaizviti "vakadzingiswa" (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu), rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika. Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.
Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu.