Pular para o conteúdo
Publicidade

Obediência aos pais

Por Bíblia Online

A obediência aos pais é mandamento divino com promessa de vida longa. A Bíblia valoriza a honra filial e ensina os filhos a respeitar e obedecer aos pais com amor.

Honrar pai e mãe

O quinto mandamento ordena honrar pai e mãe. É o primeiro mandamento com promessa: para que vá bem e vivas muito na terra.

Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Kudza baba vako namai vako, sezvawakarayirwa naJehovha Mwari wako, kuti mazuva ako ave mazhinji uye kuti zvigokuitira zvakanaka panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Nokuti Mwari akati, Kudza baba vako namai vakouye, Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.

Vana naVabereki

Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika." Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Obedecer e respeitar

Filhos, obedecei a vossos pais no Senhor. A obediência filial é expressão de amor e temor a Deus.

Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa

Yambiro pamusoro poUnyengeri

Mwanakomana wangu, teerera,

kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako

nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

Yambiro pamusoro poUpombwe

Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,

uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi;

uzvishonge pamutsipa wako.

Paunofamba zvichakutungamirira;

paucharara, zvichakurinda;

pauchamuka, zvichataura newe.

Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza,

uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,

Uchenjeri chinhu chikuru

Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu;

nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.

Ndinokupai dzidziso yakanaka,

saka regai kurasa dzidziso yangu.

Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu,

ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,

baba vangu vakandidzidzisa vachiti,

"Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu;

chengeta mirayiro yangu ugorarama.

Wana uchenjeri, wana kunzwisisa;

usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta;

hude, ihwo hugokurinda.

Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake,

asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Disciplina e consequências

A vara e a repreensão dão sabedoria. A Bíblia adverte sobre as consequências sérias da rebeldia e desonra aos pais.

Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,

asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.

Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake

mwanakomana anonyadzisa.

"Ziso rinotuka baba,

rinoshora kuteerera mai,

richanongorwa namakunguo omumupata,

richadyiwa namagora.

"Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.

Mwanakomana Asingateereri

Kana munhu aine mwanakomana akasindimara asingateereri baba vake namai vake uye asingavateereri kana vachimuranga, baba vake namai vake vanofanira kumubata vagoenda naye kuvakuru pasuo reguta. Vachati kuvakuru, "Mwanakomana wedu uyu akasindimara uye anotimukira. Haatiteereri. Anoparadza pfuma uye chidhakwa." Ipapo varume vose vomuguta rake vachamutaka namabwe afe. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. Israeri yose ichazvinzwa igotya.

Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake,

mwenje wake uchadzimwa parima guru.

Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?

Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.

Seja o primeiro