Pular para o conteúdo
Publicidade

Obediência

Por Bíblia Online

A obediência a Deus é a resposta natural do amor. Jesus disse: 'Se me amais, guardareis os meus mandamentos.' A obediência abre portas de bênção e nos aproxima do coração de Deus.

Obedecer é melhor que sacrificar

Deus deseja obediência acima de rituais. O sacrifício sem submissão ao Senhor é vazio de significado espiritual.

Asi Samueri akapindura akati,

"Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro

sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here?

Kuteerera kunokunda chibayiro,

uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.

Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, "Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu!

Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi, uyewo noMweya Mutsvene wakapiwa naMwari kuna avo vanomuteerera."

Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera

Obedecer aos mandamentos de Cristo

Jesus vinculou amor a obediência. Quem ama a Deus guarda seus mandamentos, e seus mandamentos não são pesados.

Jesu Anovimbisa Mweya Mutsvene

"Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.

Jesu akapindura akati, "Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.

Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,

Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza.

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

"Sei muchiti, Ishe, Ishe,kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?

Ipapo akati kwavari vose, "Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.

Obedecer e praticar a Palavra

Sejam praticantes da Palavra. Quem ouve e pratica é como o homem sábio que construiu sobre a rocha firme — inabalável.

Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.

Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.

Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.

Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.

Yambiro pamusoro poUpombwe

Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,

uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu,

asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

Bênçãos da obediência

A obediência abre caminho de bênçãos e prosperidade. Deus promete vida, saúde e vitória aos que andam em seus caminhos.

Maropafadzo oKuteerera

Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika.

Haiwa, dai mwoyo yavo yainditya nokuchengeta zvose zvandakarayira nguva dzose, kuti zvivaitire zvakanaka ivo navana vavo nokusingaperi!

Mufambe nenzira yose yamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame nokubudirira uye kuti mazuva enyu ave mazhinji panyika iyo ichava yenyu.

Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.

Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.

Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe.

Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa,

Submissão e consagração

Apresentar o corpo como sacrifício vivo é o culto racional. A obediência se expressa em submissão, serviço e consagração total a Deus.

Chibayiro Chipenyu

Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.

Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.

nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.

Kuzviisa pasi paVabati

Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.

Kuzviisa pasi paVabati

Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari. Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa.

kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari uye kuti ndimutsiridzwe pamwe chete nemi.

uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe,

kuti Mwari Baba vakudzwe.

Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva.

Akapindura akati, " Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,uye Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ "

Idai vavengi venyu

"Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.

ucherechedze zvose zvinodiwa naJehovha Mwari wako: Famba munzira dzake, chengeta zvaakatema, mirayiro yake, mitemo yake nezvaanoda, sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, kuti ugobudirira pazvose zvaunoita nakwose kwaunoenda.

Pavanongondinzwa, vanonditeerera;

vatorwa vanokotama pamberi pangu.

Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.

Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu," ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, "ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze.

Seja o primeiro