Publicidade

Oração

Por Bíblia Online

A oração é o fôlego da vida cristã. É conversa íntima com Deus, pedido de socorro, ação de graças e intercessão. Jesus ensinou seus discípulos a orar e praticou a oração constantemente.

O convite a orar

Jesus disse: pedi e recebereis, buscai e achareis, batei e abrir-se-vos-á. Deus convida seus filhos a orar com fé e persistência.

"Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

"Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.

Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!

Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera."

Kana muchitenda, muchagamuchira zvose zvamunokumbira mukunyengetera."

"Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.

Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo. Akati, "Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu. Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’

"Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu, asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ "

Zvino Ishe akati, "Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama. Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here? Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?"

Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.

Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.

Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.

Orar em nome de Jesus

Tudo o que pedirmos em nome de Jesus, Ele fará, para que o Pai seja glorificado no Filho. A oração em seu nome tem autoridade.

Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa.

Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.

Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.

Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.

Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.

Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.

Orar sem cessar

A Bíblia nos exorta a orar em todo tempo. A oração constante nos mantém conectados com Deus e nos fortalece espiritualmente.

rambai muchinyengetera;

rambai muchinyengetera;

Farai nguva dzose; rambai muchinyengetera; vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.

Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.

Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.

Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.

A oração do modelo

Jesus ensinou a oração do Pai Nosso como modelo. Ela cobre adoração, submissão, provisão, perdão, proteção e louvor.

"Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:

" ‘Baba vedu vari kudenga,

zita renyu ngarikudzwe,

umambo hwenyu ngahuuye,

kuda kwenyu ngakuitwe

panyika sezvinoitwa kudenga.

Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.

Tiregererei zvatinokutadzirai,

sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.

Musatitungamirira mukuedzwa,

uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’

Iye akati kwavari, "Kana muchinyengetera, muti:

" ‘Baba vedu vari kudenga,

zita renyu ngarikudzwe noutsvene.

Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.

Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva.

Uye mutiregerere zvivi zvedu;

nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira.

Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’ "

"Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji.

Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji.

Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.

Oração eficaz

A oração do justo é poderosa e eficaz. Ore com fé, sem duvidar, pois quem duvida é como onda do mar levada pelo vento.

Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.

Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.

Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake. Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She; munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.

Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo.

Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She;

Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari.

Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

Deus ouve e responde

Clama a mim e te responderei. O Senhor ouve os que clamam a Ele com sinceridade e responde com poder e fidelidade.

‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’

‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’

Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

Haiwa, imi munonzwa munyengetero,

vanhu vose vachauya kwamuri.

Nokuti haana kuzvidza kana kusema

chibayiro chaiye akatambudzwa;

haana kumuvanzira chiso chake,

asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.

uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika;

ndichakurwirai, uye imi muchandikudza."

Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu,

Ishe aidai asina kundinzwa;

Dai ndakanga ndaviga chivi mumwoyo mangu,

Ishe aidai asina kundinzwa;

asi zvirokwazvo Mwari akateerera

akanzwa inzwi rangu mumunyengetero.

Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu;

akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.

Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri,

ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.

Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;

ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe.

Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;

kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

Achadavira minyengetero yavanotambura;

haangazvidzi chikumbiro chavo.

Asi akatarisa kutambudzika kwavo

paakanzwa kuchema kwavo;

akarangarira sungano yake nokuda kwavo,

uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.

Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.

Confiança nas promessas

Se pedimos algo segundo a sua vontade, Ele nos ouve. A confiança na oração vem de conhecer e confiar em Deus e suas promessas.

Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.

Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa. Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.

Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.

uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza.

Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.

Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.

Diversas formas de oração

A oração inclui adoração, intercessão, súplica e ação de graças. Levante mãos santas, ore pelos outros e clame em todo tempo.

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.

Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.

Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.

Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.

Katatu ndakakumbira kuna Ishe kuti aubvise pandiri. Asi iye akati kwandiri, "Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera." Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.

Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.

Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.

Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari, achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.

Oração e perseverança

Persevere na oração. Mesmo quando parece que não há resposta, Deus está agindo. O que impossível aos homens é possível a Deus.

Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,

Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,

"Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga.

Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo."

Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya."

Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, "Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu."

"Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.

"Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi. Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako."

Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake.

Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

"Mafungu orufu akandikomba;

mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.

Mabote eguva akandimonera;

misungo yorufu yakandivinga.

Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;

ndakadanidzira kuna Mwari wangu.

Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;

kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

Simuka, danidzira usiku,

panotanga varindi vousiku;

durura mwoyo wako semvura

pamberi paShe.

Simudzira maoko ako kwaari

nokuda kwoupenyu hwavana vako,

vanoziya nenzara

pamavambo enzira dzose.

Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei,

uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.

Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu

kuna Mwari ari kudenga, tigoti:

Jehovha anoti, "Kunyange zvino,

tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose

muchitsanya, muchichema uye muchiungudza."

Tsvakai Jehovha achawanikwa:

danai kwaari achiri pedyo.

Hakuna anodana kuzita renyu

kana anoshingairira kuti akubatei;

nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita

kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu.

Vasati vadana ndichavapindura;

vachiri kutaura ndichavanzwa.

Vasati vadana ndichavapindura;

vachiri kutaura ndichavanzwa.

Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai.

"Zvanzi naJehovha,

iye Mutsvene waIsraeri, noMuiti wake:

Pamusoro pezvinhu zvichauya,

unondibvunza here pamusoro pavana vangu,

kana kundirayira pamusoro pebasa ramaoko angu?

Postura na oração

Ore no secreto, e o Pai que vê em secreto recompensará. A oração não precisa de muitas palavras, mas de coração sincero.

Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere;

usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo,

pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

Madekwana, mangwanani namasikati

ndinochema mukushushikana,

uye iye anonzwa inzwi rangu.

Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;

dururai mwoyo yenyu kwaari,

nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera

Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu,

ndinokutsvakai nomwoyo wose;

mwoyo wangu une nyota kwamuri,

muviri wangu unokupangai,

munyika yakaoma

uye yasakara isina mvura.

Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema,

vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.

Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;

musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.

Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;

Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;

mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu

uye ndichimirira netariro.

Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake,

kunyange minyengetero yake inonyangadza.

Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-