Publicidade

Ouvir

Por Bíblia Online

Ouvir é uma disciplina espiritual essencial. A Bíblia exorta: 'Quem tem ouvidos, ouça.' A fé vem pelo ouvir, e ouvir é mais que escutar — é obedecer e agir.

A fé vem pelo ouvir

Sem ouvir a Palavra, não há fé. A pregação do evangelho gera fé nos corações de quem ouve com disposição e humildade.

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?

Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe."

Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti:

" Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi;

muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.

Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu,

havatombonzwi nenzeve dzavo,

uye vakatsinzina meso avo.

Zvichida vangaona nameso avo,

vakanzwa nenzeve dzavo,

vakanzwisisa nemwoyo yavo,

vakapinduka, uye ndikavaporesa.

Ouvir e obedecer

Não basta ouvir — é preciso praticar. Quem ouve a Palavra e a pratica é como o homem sábio que edificou sobre a rocha.

Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.

Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.

Kunzwa noKuita

Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,

Kunzwa noKuita

Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

"Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

"Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware. Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru."

Jesu akapindura akati, "Kwakanyorwa kuchinzi, Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ "

Akapindura akati, "Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera."

Akapindura akati, "Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera."

Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.

Deus ouve nossas orações

O Senhor ouve os que clamam a Ele de coração sincero. Ele inclina os ouvidos para as nossas súplicas e responde com fidelidade.

Ndinoda Jehovha, nokuti akanzwa inzwi rangu;

akandinzwira tsitsi pakuchema kwangu.

Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri,

ndichadana kwaari mazuva ose oupenyu hwangu.

Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;

ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe.

Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;

kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.

Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama

uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;

mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu

uye ndichimirira netariro.

Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa;

itai kuti mapfupa amakapwanya afare.

Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,

nokuti ndinovimba nemi.

Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,

nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.

Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.

Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.

Chivi, Kureurura, neDzikinuro

Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa,

uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa.

Ouvir a voz de Deus

Jesus disse: 'As minhas ovelhas ouvem a minha voz.' Deus fala através da Palavra, do Espírito e das circunstâncias — cabe a nós ouvir.

Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.

"Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama.

Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.

Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.

NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.

Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa?

Sabedoria no ouvir

Seja pronto para ouvir e tardio para falar. A sabedoria começa com a disposição de ouvir instrução e aceitar correção.

Uyo anopindura asati anzwa,

ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira,

uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.

Yambiro pamusoro poUpombwe

Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako,

uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu,

asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake,

kunyange minyengetero yake inonyangadza.

Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera,

pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.

Zvinhu zvose zvinonetesa,

zvisina ani angazvitaura.

Ziso hariguti kuona,

uye nzeve haizari nokunzwa.

" Kana mukaramba muchirwisana neni uye mukaramba kunditeerera, ndichawedzera matambudziko enyu zvakapetwa kanomwe, sezvakafanira zvivi zvenyu.

Kana imi musingateereri, uye kana musingakudzi zita rangu nomwoyo wenyu," ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, "ndichatuma kutukwa pamusoro penyu, uye ndichatuka ropafadzo dzenyu. Hongu, ndakadzituka kare, nokuti hamuna kuzvipira nemwoyo yenyu kuti mundikudze.

Asi pandinotaura newe, ndichazarura muromo wako uye uchati kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha.Ani naani anonzwa ngaanzwe, uye ani naani anoramba ngaarambe hake; nokuti ivo imba yokumukira.

"Mazuva ari kuuya," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,

"andichatumira nzara panyika yose,

kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura,

asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.

Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

Joshua akati kuvaIsraeri, "Uyai pano muteerere mashoko aJehovha Mwari wenyu.

Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba.

Kana Hama Yakutadzira

"Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako.

Kana Hama Yakutadzira

"Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako. Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.

Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita.

"Mafungu orufu akandikomba;

mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.

Mabote eguva akandimonera;

misungo yorufu yakandivinga.

Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;

ndakadanidzira kuna Mwari wangu.

Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake;

kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-